ShonaTeam Matthew « 23 »

Jesu anotsiura vanyori nevaFarisi

23Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake,

2 achiti: Vanyori nevaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;

3 saka zvose chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.

4 Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo.

5 Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera* avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo;

6 vanoda chinzvimbo chakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge,

7 nekwaziso pamisika, nekunzi nevanhu: Rabhi*, Rabhi.

8 Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mose muri hama.

9 Musaidza munhu panyika baba venyu; nokuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga.

10 Musaidzwawo vadzidzisi; nokuti umwe ndiye Mudzidzisi wenyu, iye Kristu.

11 Asi mukurusa pamuri achava muranda wenyu.

12 Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa.

13 Asi mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, uye hamutenderi vanopinda kupinda.

14 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa.

15 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri.

16 Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava.

17 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene?

18 Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane ngava.

19 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo, kana aritari inoita chipo chive chitsvene?

20 Naizvozvo anopika nearitari, anopika nayo uye nezvose zviri pamusoro payo.

21 Neanopika netembere, anopika nayo, neanogara mairi.

22 Neanopika nedenga, anopika nechigaro cheushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho.

23 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte* neadhiri* nekumini*, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo netsitsi nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe.

24 Vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera.

25 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora.

26 MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.

27 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemapfupa evakafa netsvina yose.

28 Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi.

29 Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama,

30 muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita.

31 Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana vevakauraya vaporofita.

32 Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu!

33Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena?

34 Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita nevakachenjera nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta.

35 Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rose rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvika paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari.

36 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvose zvichauya pamusoro pezera iri.

Jesu anochema pamusoro peJerusarema

37 Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndaiva ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda.

38 Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo.

39 Nokuti ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni kubva zvino, kusvika muchiti: Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe.