ShonaTeam Matthew « 21 »

Jesu anogamuchirwa paJerusarema

21Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika kuBhetifage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,

2 achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.

3 Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe anozvida; pakarepo achazvitumira.

4 Izvozvi zvose zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti:

5 Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wechipfuwo chemutoro.

6 Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira,

7 vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo.

8 Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.

9 Zvaunga zvaiva zvakamutungamirira nevaiva vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDavhidhi! Wakaropafadzwa iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!

10 Wakati apinda muJerusarema, guta rose rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu?

11 Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea.

Jesu anonatsa tembere

12 Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vose vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva.

13 Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo.

14 Zvino kwakauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa.

15 Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaaiva achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa,

16 vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makapedzeredza rumbidzo?

17 Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokurarapo.

Jesu anotuka muonde waiva usingabereki

18 Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.

19 Zvino wakati achiona umwe muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvika narinhi. Pakarepo muonde ukasvava.

20 Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei?

21 Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musiri vasina chokwadi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kunyange kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa.

22 Nezvose zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira.

Simba raJesu rinobvepi

23 Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?

24 Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakubvunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi.

25 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Zvino vakataurirana pakati pavo vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati kwatiri: Saka sei musina kumutenda?

26 Asi kana tikati: Kuvanhu; tinotya chaunga; nokuti vose vakatora Johwani semuporofita.

27 Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Iye ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro izvi.

Mufananidzo wevana vaviri

28 Zvino munofungei? Munhu waiva nevanakomana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa.

29 Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda.

30 Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, ishe; asi haana kuenda.

31 Ndeupi pavaviri akaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.

32 Nokuti Johwani akauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kutendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende.

Mufananidzo wevarimi vakaipa

33 Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva neumwe munhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, akaenda kunze kwenyika.

34 Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvake.

35 Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nemabwe.

36 Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo.

37 Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.

38 Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayei tibate nhaka yake.

39 Zvino vakamubata vakaposhera panze kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.

40 Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi avo?

41 Vakati kwaari: Achaparadza zvakaipa ava vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachamupa zvibereko nenguva dzazvo.

42 Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakava musoro wekona; kubva kuna Ishe izvi zvaitika, zvinoshamisa pameso edu?

43 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo.

44 Uye anowira pamusoro pebwe iri, achavhunikanya; asi pane upi neupi warinowira richamukuya.

45 Vapristi vakuru nevaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anotaura nezvavo.

46 Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nokuti vaimutora semuporofita.