ShonaTeam Matthew « 20 »

Mufananidzo wevabati pamunda

20Nokuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa.

2 Wakati atenderana nevabati padhenario* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.

3 Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita;

4 akati kwavari: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo.

5 Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo.

6 Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rose musina chekuita?

7 Vakati kwaari: Nokuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, uye muchagamuchira chero zvakafanira.

8 Kuzoti ava madekwani, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvika kune vekutanga.

9 Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenario.

10 Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivowo vakagamuchira umwe neumwe dhenario.

11 Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba,

12 vachiti: Ava vekupedzisira vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa.

13 Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenario?

14 Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo.

15 Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?

16 Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa.

Jesu anovaudza zverufu rwake nekumuka kwake

17 Jesu wakati achikwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari voga munzira, akati kwavari:

18 Tarira, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu.

19 Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu achamuka.

Vana vaZebhedhi vanokumbira kuva vakuru

20 Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakanamata vachikumbira chimwe chinhu kwaari.

21 Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Taurai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu.

22 Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandava kuzonwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona.

23 Akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu.

24 Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri.

25 Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vevahedheni vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo.

26 Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.

27 Zvino ani nani anoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.

28 SeMwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake huve rudzikunuro rwevazhinji.

Jesu anosvinudza mapofu maviri paJeriko

29 Vakati vachibuda kubva Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera.

30 Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!

31 Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!

32 Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei?

33 Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.

34 Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera.