ShonaTeam Matthew « 18 »

Mukuru paushe hwekudenga nezvigumbuso

18Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga?

2 Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo.

3 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.

4 Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga.

5 Zvino ani nani anogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu anogamuchira ini.

6 Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa.

7 Ine nhamo nyika nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye!

8 Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi.

9 Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto.

10 Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga.

11 Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chaiva chakarasika.

Gwai rakarasika

12 Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika?

13 Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.

14 Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare.

Kutsiura vadariki

15 Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako.

16 Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rose risimbiswe.

17 Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi.

18 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.

Kunyengetera pamwe

19 Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga.

20 Nokuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.

Mufananidzo wemuranda asina tsitsi

21 Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvika kanomwe here?

22 Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvika kanomwe; asi: Kusvika makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.

23 Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, waiva achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake.

24 Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari waiva ane chikwereti chematarenda* gumi rezvuru.

25 Asi zvaaiva asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvose zvaaiva anazvo, kuti muripo uitwe.

26 Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvose.

27 Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti.

28 Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, waiva ane ngava kwaari remadhenario* zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira.

29 Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvose.

30 Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvika aripa chikwereti.

31 Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvaiva zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvose zvakaitika.

32 Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza.

33 Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi?

34 Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvika aripa zvose zvakafanira kwaari.

35 Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiri umwe neumwe umwe wake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yese.