ShonaTeam Matthew « 17 »

Kubwinya kwaJesu pagomo

17Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu wakatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega.

2 Zvino akashandurwa chimiro pamberi pavo, uye chiso chake chikapenya sezuva, nenguvo dzake dzikachena sechiedza.

3 Zvino tarira, kwakaonekwa kwavari Mozisi naEria vachitaura naye.

4 Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria.

5 Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo; inzwai iye.

6 Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru.

7 Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.

8 Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete.

9 Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvika Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.

10 Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?

11 Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvose.

12 Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvose zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu achatambura navo.

13 Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.

Jesu anoporesa mukomana ane zvipusha

14 Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti:

15 Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nokuti ane zvipusha, anotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji anowira mumoto, uye kazhinji mumvura.

16 Uye ndakamuuisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa.

17 Jesu akapindura akati: Haiwa zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvika rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvika rinhi? Muuisei pano pandiri.

18 Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyo.

19 Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari vega, vakati: Isu taiva tisingagoni nei kuribudisa?

20 Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; uye hakuna chinhu chingakukonai.

21 Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya.

Jesu anotaura zverufu rwake nekumuka kwake

22 Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu obva okumikidzwa mumaoko evanhu,

23 uye vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswa. Uye vakashurukirwa zvikuru.

Jesu anoripa mari yetembere

24 Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here?

25 Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa?

26 Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.

27 Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako.