ShonaTeam Matthew « 16 »

Jesu anoramba kuratidza chiratidzo

16VaFarisi nevaSadhusi ndokuuya vachimuidza, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.

2 Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwani munoti: Kunze kwakanaka; nokuti denga rakatsvuka.

3 Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni kuparadzanisa zviratidzo zvenguva here?

4 Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi haripiwi chiratidzo, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda.

Jesu anodudzira shoko rembiriso yevaFarisi nevaSadhusi

5 Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa.

6 Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.

7 Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nokuti hatina kutora zvingwa.

8 Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo rudiki, nemhaka yei muchirangana pakati penyu kuti hamuna kutora zvingwa?

9 Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga?

10 Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga?

11 Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti mungwarire mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi?

12 Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi.

Petro anopupura kuti Jesu ndiye Kristu

13 Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani?

14 Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita.

15 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?

16 Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.

17 Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga.

18 Neniwo ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi.

19 Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.

20 Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu.

Jesu anovaudza zvekutambura kwake nerufu rwake

21 Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.

22 Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngoni kwamuri, Ishe; ngazvirege kutongoitika kwamuri.

23 Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.

Kutevera Jesu

24 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.

25 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu achahuwana.

26 Nokuti munhu anobatsirwei kana akawana nyika yose, akarasikirwa nemweya weupenyu wake? Kana munhu achapei chive muripo wemweya weupenyu wake?

27 Nokuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.

28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingatongoraviri rufu kusvika vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake.