ShonaTeam Matthew « 13 »

Mufananidzo wemukushi

13Nezuva iro Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa.

2 Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvika apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chose chakamira pamahombekombe.

3 Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.

4 Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.

5 Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payaiva isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti paiva pasina udziku hwevhu.

6 Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yaiva isina mudzi, yakasvava.

7 Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga.

8 Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu.

9 Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

Mabasa emifananidzo

10 Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?

11 Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.

12 Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo.

13 Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.

14 Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.

15 Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa.

16 Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.

17 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vaiva vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.

Kududzirwa kwemufananidzo wemukushi

18 Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.

19 Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.

20 Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;

21 asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.

22 Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki.

23 Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.

Mufananidzo wemashawi nezviyo

24 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.

25 Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.

26 Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo.

27 Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?

28 Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here?

29 Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo.

30 Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvika pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.

Mufananidzo wetsanga yemasitadha newembiriso

31 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.

32 Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzose, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.

33 Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvika hwose hwaviriswa.

34 Izvi zvinhu zvose Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;

35 kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvaiva zvakavanzika kubva pamavambo enyika.

Kududzirwa kwemufananidzo wemashawi nezviyo

36 Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.

37 Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;

38 uye munda inyika; nembeu yakanaka ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa.

39 Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa.

40 Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino.

41 Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvose nevanoita zvakaipa;

42 zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.

43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

Mufananidzo wefuma yakavanzwa

44 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvose zvaanazvo akatenga munda uyo.

Mufananidzo wemaparera

45 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera* akanaka;

46 akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvose zvaaiva anazvo, akaritenga.

Mufananidzo wemumbure

47 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ose ehove.

48 Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze.

49 Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama,

50 uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.

51 Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvose here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.

52 Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.

Jesu unoshovorwa paNazareta

53 Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.

54 Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvika vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba?

55 Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?

56 Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzose here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvose?

57 Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.

58 Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.