ShonaTeam Matthew « 10 »

Vaapositori gumi nevaviri vanotumwa kunoparidza nekuporesa

10Zvino wakadanira kwaari vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaibudise, nekuporesa denda rose neurwere hwose.

2 Zvino mazita evaapositori gumi nevaviri ndiwawa: Wekutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake; Jakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina wake;

3 Firipi, naBhatoromeo; Tomasi, naMatewu muteresi; Jakobho waArifiyo, naRebheu wainziwo Tadhiyo;

4 Simoni muKenani, naJudhasi Isikariyoti iyewo wakamutengesa.

5 Ava gumi nevaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti: Musaenda munzira yevahedheni, musapinda muguta revaSamariya;

6 asi zvikuru muende kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.

7 Zvino pakufamba, muparidze muchiti: Ushe hwekumatenga hwaswedera.

8 Poresai vanorwara, natsai vane maperembudzi, mutsai vakafa, budisai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena.

9 Musawana goridhe, kana sirivha, kana ndarira mumabhanhire enyu,

10 kana homwe yerwendo, kana nguvo refu mbiri, kana manyatera, kana tsvimbo; nokuti mushandi wakafanira kudya kwake.

11 Muguta ripi neripi kana mumusha wamunopinda, bvunzai kuti ndiani mauri wakafanira, mugarepo, kusvika muchibva.

12 Zvino kana muchipinda mumba, muikwazise.

13 Uye kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo; asi kana isingafaniri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri.

14 Uye ani nani usingakugamuchiriyi, kana kuteerera mashoko enyu, kana muchibuda paimba iyo kana paguta iro, zuzai guruva retsoka dzenyu.

15 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma neyeGomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.

16 Tarirai, ini ndinokutumai semakwai pakati pemapumhi; naizvozvo chenjerai senyoka, mururame senjiva.

17 Asi svinurirai vanhu; nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye vachakurovai netyava mumasinagoge avo;

18 zvino muchauiswawo pamberi pevatungamiriri nemadzimambo nekuda kwangu, huve uchapupu kwavari nekuvahedheni.

19 Asi kana vachikukumikidzai, musafunganya kuti muchataura sei kana chii; nokuti muchapiwa nenguva iyo chamuchataura.

20 Nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mamuri.

21 Mwanakomana wamai achakumikidza mwanakomana wamai kurufu, nababa mwana; uye vana vachamukira vabereki nekuvauraya.

22 Uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvika pakuguma, ndiye achaponeswa.

23 Asi kana vachikushushai muguta iri, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungatongopedzi maguta aIsraeri, kusvika Mwanakomana wemunhu asvika.

24 Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi, kana muranda pamusoro paishe wake.

25 Zvakaringanira mudzidzi kuti ave semudzidzisi wake, nemuranda saishe wake. Kana vaidza Ishe weimba kuti Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!

Jesu anoyambira vadzidzi vake

26 Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chakafukidzwa chisingazobvundunurwi, kana chakavanzika chisingazozikanwi.

27 Zvandinokuudzai murima, taurai pachiedza, nezvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pematenga edzimba.

28 Uye musatya vanouraya muviri, asi havagoni kuuraya mweya weupenyu; asi mutye zvikuru uyo anogona kuparadza zvose mweya weupenyu nemuviri mugehena.

29 Ko tushiri tuviri hatutengeswi nekobiri here? Asi kamwe kadzo hakangawiri pasi kunze kwekuda kwaBaba venyu.

30 Asi nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rose.

31 Naizvozvo musatya, imwi munopfuura tushiri tuzhinji.

32 Naizvozvo umwe neumwe achandipupura pamberi pevanhu, ini ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kumatenga.

33 Asi ani nani anondiramba pamberi pevanhu, neni ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga.

Zviratidzo zvenguva

34 Musafunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika; handina kuuya kuzoisa rugare, asi munondo.

35 Nokuti ndakauya kuzopesanisa munhu nababa vake, nemukunda namai vake, nemuroora navamwene vake;

36 nevavengi vemunhu ndeveimba yake.

37 Anoda baba kana mai kupfuura ini haana kufanira ini; neanoda mwanakomana kana mukunda kupfuura ini haana kufanira ini;

38 uye asingatori muchinjikwa wake akanditevera, haana kufanira ini.

39 Anowana mweya wake acharasikirwa nawo; asi anorasikirwa nemweya wake nekuda kwangu achauwana.

40 Uyo anogamuchira imwi anogamuchira ini; neanogamuchira ini anogamuchira iye wakandituma.

41 Anogamuchira muporofita muzita remuporofita achawana mubairo wemuporofita; neanogamuchira wakarurama muzita rewakarurama achawana mubairo wewakarurama.

42 Uye ani nani anonwisa umwe wevadiki ava mukombe chete wemvura inotonhorera muzita remudzidzi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangatongorasikirwi nemubairo wake.