ShonaTeam Matthew « 9 »

Jesu anoporesa munhu wakafa mitezo

9Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake.

2 Zvino tarira, vakauisa kwaari wakafa mitezo, arere panhovo. Zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakanganwirwa zvivi zvako.

3 Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba.

4 Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Imwi munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu?

5 Nokuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakanganwirwa zvivi; kana kuti: Simuka ufambe?

6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (wakabva ati kune waiva akafa mitezo): Simuka, tora nhovo yako, uende kumba kwako.

7 Akasimuka, akaenda kumba kwake.

8 Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari wakapa simba rakadai kuvanhu.

Kudanwa kwaMatewu

9 Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu anonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera.

10 Zvino zvakaitika agere pakudya mumba, zvino tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake.

11 Zvino vaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei Mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?

12 Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vatano havadi murapi asi vanorwara.

13 Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi kwetewo chibairo; nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.

Kutsanya

14 Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu nevaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?

15 Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kuchema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika pachabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya.

16 Hakuna anoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nokuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya.

17 Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; kana zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri.

Jesu anoporesa mukadzi waiva nekubuda ropa uye anomutsa mukunda wemutungamiriri kuvakafa

18 Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamunamata, akati: Mukunda wangu afa iyezvi; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye achararama.

19 Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake.

20 Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake.

21 Nokuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaponeswa.

22 Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa paurwere kubva panguva iyo.

23 Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita mhere-mhere,

24 akati kwavari: Ibvai; nokuti musikana haana kufa, asi arere. Ndokumuseka vachimusvavaidza.

25 Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka.

26 Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yose.

Jesu anoporesa mapofu maviri nechimumumu

27 Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi!

28 Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.

29 Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu.

30 Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna anozviziva.

31 Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yose.

32 Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauisa kwaari munhu chimumumu waiva akagarwa nedhimoni.

33 Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri.

34 Asi vaFarisi vakati: Anobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni.

35 Zvino Jesu wakapota nemaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa denda rose neurwere hwose pakati pevanhu.

36 Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nokuti vaiva vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi.

37 Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo goho iguru, asi vashandi vashoma;

38 naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wegoho, kuti atumire vashandi pagoho rake.