ShonaTeam Matthew « 8 »

Jesu anoporesa munhu ane maperembudzi

8Wakati aburuka mugomo, zvaunga zvikuru zvakamutevera.

2 Zvino tarira, kwakauya ane maperembudzi, akamunamata achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.

3 Jesu akatandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, natswa. Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.

4 Zvino Jesu akati kwaari: Ona kuti usaudza munhu, asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire chipo Mozisi chaakaraira, chive uchapupu kwavari.

Jesu anoporesa muranda wemukuru wezana

5 Zvino Jesu wakati apinda muKapenaume, kwakauya kwaari mukuru wezana, achimukumbirisa,

6 achiti: Ishe, muranda wangu arere kumba wakafa mitezo, anotambudzika kwazvo.

7 Zvino Jesu akati kwaari: Ini ndichauya ndimuporese.

8 Mukuru wezana akapindura akati: Ishe, handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga rangu remba; asi taurai shoko chete, zvino muranda wangu achaporeswa.

9 Nokuti neniwo ndiri munhu ari pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda; anoenda; nekune umwe: Uya; anouya; nekumuranda wangu: Ita ichi; anoita.

10 Jesu wakati achizvinzwa akashamisika, akati kune vaimutevera: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.

11 Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva nemavirira, vachagara pakudya naAbhurahama, naIsaka, naJakobho, muushe hwekumatenga;

12 asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze kwekupedzisira; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.

13 Zvino Jesu akati kumukuru wezana: Enda, zviitirwe kwauri sezvawakatenda. Muranda wake akapora nenguva iyoyo.

Jesu anoporesa mai vemukadzi waPetro

14 Jesu wakati apinda mumba maPetro, akaona mai vemukadzi wake vakaradzikwa vane fivhiri.

15 Akabata ruoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari; vakasimuka vakavashandira.

16 Zvino ava madekwani vakauisa kwaari vazhinji vaiva vakagarwa nemadhimoni; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara;

17 kuti zvizadziswe zvakataurwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora utera hwedu, akatakura matenda edu.

Kutevera Jesu

18 Jesu wakati achiona zvaunga zvikuru zvakamukomba, akaraira kuti vabve vaende mhiri.

19 Umwe munyori ndokuswedera akati kwaari: Mudzidzisi, ndichakuteverai kose kwamunoenda.

20 Zvino Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paangatsamhidza musoro.

21 Umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, ndiregei nditange ndaenda ndinoviga baba vangu.

22 Asi Jesu wakati kwaari: Nditevere, urege vakafa vavige vakafa vavo.

Jesu anonyaradza dutu remhepo

23 Zvino wakati apinda muchikepe, vadzidzi vake vakamutevera.

24 Zvino tarira, dutu guru remhepo rakamuka mugungwa, zvekuti igwa raiva rofukidzwa nemafungu; asi iye waiva arere.

25 Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakamumutsa vachiti: Ishe, tiponesei, toparara!

26 Zvino akati kwavari: Munotyirei, imwi verutendo rudiki? Ndokusimuka, akatsiura mitutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo.

27 Asi vanhu vakashamisika vachiti: Uyu munhu rudzii kuti kunyange mitutu negungwa zvinomuteerera?

Jesu anobudisa madhimoni panyika yevaGerigesi

28 Wakati asvika kune rimwe divi kunyika yevaGerigesi, vakamuchingamidza vaviri vaiva vakagarwa nemadhimoni, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo, zvekuti kwaiva kusina munhu waigona kupfuura nenzira iyo.

29 Zvino tarira, vakadanidzira vachiti: Tinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotirwadzisa nguva isati yasvika here?

30 Zvino kure navo kwaiva kune boka renguruve zhinji richifura.

31 Madhimoni akamugombetedza achiti: Kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende tinopinda muboka renguruve.

32 Zvino akati kwaari: Endai. Zvino akati abuda, akapinda muboka renguruve; zvino tarira, boka rose renguruve rakapitirikira kumateru kugungwa, dzikafira mumvura.

33 Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakapira zvose uye zvevaiva vane madhimoni.

34 Zvino tarira, guta rose rakabuda kunochingamidza Jesu; zvino vakati vamuona, vakagombetedza kuti abve pamiganhu yavo.