ShonaTeam Matthew « 7 »

Kutonga vamwe

7Musatonga, kuti murege kutongwa,

2 nokuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa zvekare nechiyero chamunoyera nacho.

3 Unotarisirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako?

4 Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako?

5 Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako.

6 Musapa chitsvene kuimbwa, uye musakandira maparera* enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.

Kutsunga pakunyengetera

7 Kumbirai, zvino muchapiwa; tsvakai, zvino muchawana; gogodzai, zvino muchazarurirwa.

8 Nokuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa.

9 Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe?

10 Kana kuti akakumbira hove, achamupa nyoka?

11 Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira?

12 Naizvozvo zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imwi muvaitirewo saizvozvo; nokuti uyu ndiwo murairo nevaporofita.

Nzira mbiri

13 Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara nenzira yakapamhama inoenda kukuparadzwa, uye vazhinji varipo vanopinda naro.

14 Nokuti suwo rakamanikana nenzira inhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana.

Vadzidzisi venhema

15 Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza.

16 Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa paminzwa here, kana maonde parubayambeva?

17 Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.

18 Muti wakanaka haugoni kubereka zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.

19 Muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.

20 Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva.

Kunzwa nekuita

21 Haasi wose anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.

22 Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?

23 Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.

Mufananidzo wedzimba mbiri

24 Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa uye akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.

25 Zvino mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nokuti yaiva yakateyiwa paruware.

26 Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;

27 zvino mvura ikaturuka, mafashame ndokuuya, mitutu ndokuvhuvhuta, ndokurova paimba iyo, ndokuwa; uye kuwa kwayo kukava kukuru.

28 Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake.

29 Nokuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.