ShonaTeam Matthew « 6 »

Mharidzo pagomo: Kupa varombo

6Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga.

2 Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.

3 Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako.

4 Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda, ivo vachakuripira pachena.

Kunyengetera

5 Zvino kana uchinyengetera, usava sevanyepedzeri; nokuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.

6 Asi iwe kana uchinyengetera, pinda mumba mako memukati, ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.

7 Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji.

8 Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa musati mavakumbira.

Jesu anodzidzisa kunyengetera

9 Naizvozvo imwi nyengeterai seizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene;

10 ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;

11 mutipei nhasi kudya kwedu kwemazuva ose;

12 uye mutikanganwire mangava edu, isu sezvatinokanganwirawo vane ngava nesu;

13 uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nokuti ushe ndehwenyu nesimba nekubwinya kusvika rinhi narinhi. Ameni.

14 Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo.

15 Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.

Kutsanya

16 Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nokuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.

17 Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,

18 kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.

Fuma yenyika neyekudenga

19 Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane chipfukuto nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba;

20 asi muzviunganidzire fuma kudenga, uko kusina chipfukuto kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi kana kuba.

21 Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu.

22 Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wose uchazara nechiedza.

23 Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei!

24 Hapana angashumira vatenzi vaviri; nokuti achavenga umwe, akada umwe; kana achanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*.

Kutambudzika nekuvimba naMwari

25 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu hahupfuuri kudya here, nemuviri chipfeko?

26 Tarirai shiri dzedenga, nokuti hadzidzvari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here?

27 Ndiani kwamuri nekufunganya angawedzera mbimbi imwe paurefu hwake?

28 Nepamusoro pezvipfeko munofunganyirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei; haishingairi, hairuki;

29 asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kose haana kupfekedzwa seimwe yeiyi.

30 Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo rudiki?

31 Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei?

32 Nokuti izvozvi zvose vahedheni vanozvitsvaka, nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose.

33 Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.

34 Naizvozvo musafunganyira mangwana, nokuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.