ShonaTeam Matthew « 5 »

Mharidzo yaJesu pagomo

5Zvino wakati achiona zvaunga akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari,

2 akashamisa muromo wake, akavadzidzisa achiti:

3 Vakaropafadzwa varombo pamweya; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo.

4 Vakaropafadzwa vanochema; nokuti ivo vachanyaradzwa.

5 Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti ivo vachagara nhaka yenyika.

6 Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yekururama; nokuti ivo vachagutiswa.

7 Vakaropafadzwa vane tsitsi; nokuti ivo vachaitirwa tsitsi.

8 Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nokuti ivo vachaona Mwari.

9 Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti ivo vachanzi vana vaMwari.

10 Vakaropafadzwa vanoshushwa nekuda kwekururama; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo.

11 Makaropafadzwa imwi, kana vachikutukai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvose vachireva nhema nekuda kwangu.

12 Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru mumatenga; nokuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai.

Munyu nechiedza chenyika

13 Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu.

14 Imwi muri chiedza chenyika; guta rakamiswa pamusoro pegomo haringavanziki;

15 uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vose vari mumba.

16 Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kumatenga.

Murairo wakare nemurairo waJesu Kristu

17 Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.

18 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvika denga nenyika zvichipfuura, vara diki rimwe kana chidodzi chimwe kubva pamurairo hazvingatongopfuuri, kusvika zvose zvaitika.

19 Naizvozvo ani nani anotyora umwe wemirairo midikisa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, achanzi mudikisa muushe hwekumatenga; asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye achanzi mukuru muushe hwekumatenga.

20 Nokuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekwevaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.

21 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya achava nemhosva yemutongo;

22 asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, achava nemhosva yemutongo; neanoti kune umwe wake: Dununu! achava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! achava nemhosva yegehena remoto.

23 Naizvozvo kana uchiuisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako ane chekupikisana newe,

24 siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugouya wopira chipo chako.

25 Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo.

26 Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvika waripa kamari kekupedzisira.

27 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe;

28 asi ini ndinoti kwamuri: Wose anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make.

29 Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.

30 Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urasire kure newe; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.

31 Zvakanziwo: Ani nani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwekurambana;

32 asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe.

33 Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako;

34 asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nokuti chigaro chaMwari cheushe;

35 kana nenyika, nokuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti iguta raMambo mukuru;

36 uye usapika nemusoro wako, nokuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe ruchena kana rutema.

37 Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa.

Kuda vavengi

38 Makanzwa kuti zvakanzi: Ziso neziso, uye zino nezino;

39 asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo.

40 Neanoda kukusungisa, nekutora shati yako, umutendere nguvo yakowo.

41 Ani nani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri.

42 Ipa anokumbira kwauri, uye usafuratira anoda kukwereta kwauri.

43 Makanzwa kuti zvakanzi: Ude umwe wako, uvenge muvengi wako.

44 Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai.

45 Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama.

46 Nokuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here?

47 Uye kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here?

48 Naizvozvo imwi muve vakakwana, saBaba venyu vari kumatenga vakakwana.