ShonaTeam Matthew « 4 »

Kuedzwa kwaJesu

4Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi.

2 Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara.

3 Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa.

4 Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa chega, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.

5 Zvino dhiabhorosi wakamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere,

6 ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nokuti kwakanyorwa kuti: Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, uye pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.

7 Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako.

8 Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwose hwenyika nekubwinya kwahwo.

9 Akati kwaari: Zvose zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.

10 Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye oga.

11 Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira.

Jesu anotanga basa paGarirea

12 Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea.

13 Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaume riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuruni neNefitarimi;

14 kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:

15 Nyika yeZebhuruni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni;

16 vanhu vaiva vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevaiva vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari.

Jesu anotanga kuparidza

17 Kubvira panguva iyo Jesu wakatanga kuparidza uye kuti: Tendeukai, nokuti ushe hwekumatenga hwaswedera.

Kudanwa kwevadzidzi vekutanga

18 Zvino Jesu wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vaiva vari varedzi.

19 Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu.

20 Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.

21 Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.

22 Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.

Jesu anoshanda munyika yeGarirea

23 Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda roga-roga neurwere hwoga-hwoga pavanhu.

24 Shoko rake rikabudira kuSiriya yose; vakauisa kwaari varwere vose, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana, nemarwadzo, nevaiva vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevaiva vakafa mitezo; akavaporesa.

25 Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.