ShonaTeam Matthew « 2 »

Vachenjeri vemabvazuva vanoshanyira Jesu

2Zvino Jesu wakati aberekwa muBheterehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhi mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva kumabvazuva kuJerusarema,

2 vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo wevaJudha? Nokuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata.

3 Zvino Herodhi mambo wakati anzwa, akashushikana, neJerusarema rose naye.

4 Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vose nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi.

5 Zvino vakati kwaari: MuBheterehemu reJudhiya; nokuti zvakanyorwa saizvozvo nemuporofita zvichinzi:

6 Newe Bheterehemu nyika yaJudha, hausi mudikisa kuvatongi vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, achafudza vanhu vangu Israeri.

7 Zvino Herodhi, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi.

8 Akavatuma kuBheterehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate.

9 Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvika yasvika ikamira pamusoro pepaiva pane mucheche.

10 Vakati vaona nyeredzi vakafara nemufaro mukuru kwazvo.

11 Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, goridhe, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemura*.

12 Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.

Kutizira kuEgipita

13 Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvika ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mucheche kuti amuparadze.

14 Zvino amuka wakatora mucheche namai vake usiku, akabva akaenda kuEgipita,

15 uye wakavako kusvika pakufa kwaHerodhi; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude muEgipita.

Kuurawa kwevana naHerodhi

16 Zvino Herodhi, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akauraya vana vose vaiva muBheterehemu nemumigumo yaro yose, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaaiva abvunzisisa kuvachenjeri.

17 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:

18 MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.

Kudzokera kunyika yaIsraeri

19 Asi Herodhi wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita,

20 achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nokuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche.

21 Akasimuka ndokutora mucheche namai vake akasvika kunyika yaIsraeri.

22 Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea.

23 Akasvika akagara muguta rinonzi Nazareta; kuti zvizadziswe zvakarehwa nevaporofita, kuti: Achanzi muNazareta.