ShonaTeam Matthew « 1 »

Madzitateguru aJesu Kristu

1 Bhuku rerudzi rwaJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama.

2 Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake;

3 Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami;

4 Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni;

5 Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese;

6 Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadzi waiva waUriya;

7 Soromoni ndokubereka Robhoami; Robhoami ndokubereka Abhiya; Abhiya ndokubereka Asa;

8 Asa ndokubereka Josafati; Josafati ndokubereka Joramu; Joramu ndokubereka Oziasi;

9 Oziasi ndokubereka Jotamu; Jotamu ndokubereka Akazi; Akazi ndokubereka Hezekia;

10 Hezekia ndokubereka Manase; Manase ndokubereka Amoni; Amoni ndokubereka Josiyasi;

11 Josiyasi ndokubereka Jekoniyasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi.

12 Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniyasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri;

13 Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori;

14 Azori ndokubereka Sadhoki; Sadhoki ndokubereka Akimi; Akimi ndokubereka Eriyudhi;

15 Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho;

16 Jakobho ndokubereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.

17 Naizvozvo mazera ose kubva kuna Abhurahama kusvika kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; nekubva kuna Dhavhidhi kusvika pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; nekubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvika kuna Kristu mazera gumi nemana.

Kuberekwa kwaJesu Kristu

18 Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nokuti mai vake Maria vakati vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba kubva kuna Mweya Mutsvene.

19 Zvino Josefa murume wavo zvaaiva ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande.

20 Asi wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndechaMweya Mutsvene.

21 Uye achabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Jesu, nokuti iye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.

22 Zvino zvose izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe kubudikidza nemuporofita achiti:

23 Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti zvichishandurwa, Mwari anesu.

24 Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakaraira mutumwa waIshe kwaari, akazvitorera mukadzi wake;

25 uye haana kumuziva kusvika azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.