ShonaTeam Malachi « 4

4Nokuti tarirai, rinouya zuva rinopisa sechoto; zvino vose vanozvikudza nevose vanoita zvakaipa vachava mashanga; uye zuva rinouya richavapisa; anoreva Jehovha wehondo, zvekuti haringavasiiri mudzi kana davi.

2 Asi kwamuri munotya zita rangu, zuva rekururama richabuda, nekuporesa pamapapiro aro. Zvino muchabuda mugouruka semhuru muchirugu.

3 Muchatsikira vakaipa pasi, nokuti vachava madota pasi pezvitsiko zvetsoka dzenyu pazuva randichazviita, anoreva Jehovha wehondo.

4 Rangarirai murairo waMozisi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhu, waIsraeri wose, mitemo nemitongo.

5 Tarirai, ndichakutumirai Eria muporofita, kutangira kuuya kwezuva guru rinotyisa raJehovha.

6 Zvino achadzosera moyo yemadzibaba kuva vana, nemoyo yevana kuva madzibaba avo, zvimwe ndiuye ndokurova nyika nechakatukwa.