ShonaTeam Malachi « 3 »

Mutumwa waJehovha

3Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye achagadzira nzira pamberi pangu; uye Ishe wamunotsvaka achauya pakarepo kutembere yake, iyo nhume yesungano yamunofarira; tarirai anouya, anoreva Jehovha wehondo.

2 Zvino ndiyani angamiririra zuva rekuuya kwake? Uye ndiyani achamira pakuonekwa kwake? Nokuti wakaita semoto wemunatsi, uye sesipo yemusuki.

3 Uye achagara semunatsi nemuchenuri wesirivha; uye achachenura vanakomana vaRevhi, nekuvanatsa segoridhe uye sesirivha; kuti aswededze zvipo kuna Jehovha mukururama.

4 Zvino zvipo zvaJudha neJerusarema zvichatapira kuna Jehovha, sepamazuva ekare, uye sepamakore epakutanga.

5 Zvino ndichaswedera kwamuri pamutongo, uye ndichava chapupu chinokurumidza kurwisana nevaroyi, uye kurwisa zvifeve, uye kurwisa vapiki venhema, uye kurwisa avo vanomanikidza vakahaiwa pamihoro, chirikadzi, uye nherera, uye vanopidigura mutorwa, nevasingandityi, anoreva Jehovha wehondo.

6 Nokuti ndiri Jehovha, handishanduki; naizvozvo imwi vanakomana vaJakove hamuna kupedzwa.

7 Kunyange kubva pamazuva emadzibaba enyu makatsauka kubva pamitemo yangu, uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri, anoreva Jehovha wehondo. Asi munoti: Tichadzoka pachinhu chipi?

8 Munhu angabira Mwari here? Zvakadaro munondibira. Asi munoti: Takakubirai pane zvipi? Pazvegumi nezvipo.

9 Makatukwa nechakatukwa; nokuti munondibira, rudzi urwu rwose.

10 Unzai zvegumi zvose mudura kuti zvive zvekudya muimba yangu. Uye ndiidzei naizvozvi ikozvino, anoreva Jehovha wehondo, kana ndisingazokuzaruririi mahwindo ekumatenga, ndigokudururirai ropafadzo, kusvika kwashaikwa nzvimbo inokwana.

11 Zvino ndichatsiura anodya nekuda kwenyu, uye haangaparadzi zvibereko zvevhu renyu; nemuzambiringa wenyu haungasvosvi mumunda, anoreva Jehovha wehondo.

12 Zvino marudzi ose achakuti wakarurama, nokuti imwi muchava nyika inofadza, anoreva Jehovha wehondo.

13 Mashoko enyu aiva ari makukutu kwandiri, anoreva Jehovha. Zvakadaro munoti: Takataurei kukurwisai?

14 Makati: Chinhu chisina maturo kushumira Mwari. Uye mubairoi kuti tichengete faniro yake, uye kuti tifambe nenguvo dzemariro pamberi paJehovha wehondo?

15 Zvino ikozvino tinoti vanozvikudza vakaropafadzwa; hongu, vanoita zvakaipa vanovakwa; hongu, vanoidza Mwari vanopukunyuka.

16 Ipapo vanotya Jehovha vakataura, umwe neumwe newekwake: Jehovha ndokuteerera ndokunzwa. Bhuku rechirangaridzo ndokunyorwa pamberi pake nezvevanotya Jehovha uye nezvevanofunganya zita rake.

17 Zvino vachava vangu, anoreva Jehovha wehondo, muzuva iro randichaita zvinokosha, uye ndichavarega semurume anorega mwanakomana wake anomushandira.

18 Zvino muchadzoka ndokuona pakati pewakarurama newakaipa, pakati peanoshumira Jehovha neasingamushumiri.