ShonaTeam Malachi « 2 »

Vapristi vanotukwa naJehovha

2Zvino ikozvino, vapristi, murairo uyu ndewenyu.

2 Kana musingateereri, uye kana mukasaisa mumoyo, kupa rukudzo kuzita rangu, anoreva Jehovha wehondo, ndichatuma chakatukwa pakati penyu, uye ndichatuka maropafadzo enyu; hongu, ndazvituka, nokuti hamuzviisi mumoyo.

3 Tarirai, ndichaodza chizvarwa chenyu, nekumwaya ndove pazviso zvenyu, ndove yemabiko enyu; uye muchabviswa pamwe nayo.

4 Zvino muchaziva kuti ndakutumirai murairo uyu; kuti sungano yangu ive naRevhi, anoreva Jehovha wehondo.

5 Sungano yangu naye yaiva upenyu nerugare, uye ndakamupa kutya kwaakanditya nako, uye akatya pamberi pezita rangu.

6 Murairo wechokwadi waiva mumuromo make, uye uipi hauna kuwanikwa pamiromo yake; wakafamba neni murugare nemukururama, uye wakatendeusa vazhinji kubva pauipi.

7 Nokuti miromo yemupristi inochengetedza ruzivo; uye vakatsvaka murairo pamuromo wake; nokuti iye mutumwa waJehovha wehondo.

8 Asi imwi makatsauka kubva panzira; makagumbusa vazhinji pamurairo; makasvibisa sungano yaRevhi; anoreva Jehovha wehondo.

9 Naizvozvowo ini ndakakuitai vanozvidzwa nevari pasi pamberi pevanhu vose, sezvamusina kuchengeta nzira dzangu, asi makagamuchira zviso pamurairo.

10 Isu tose hatina baba vamwe here? Mwari umwe haana kutisika here? Sei tichiita neunyengeri umwe kune wekwake, nekusvibisa sungano yemadzibaba edu?

11 Judha wakaita neunyengeri, uye kwakaitwa chinyangadzo kwaIsraeri nemuJerusarema; nokuti Judha wakasvibisa utsvene hwaJehovha hwaaida; uye wakaroora mukunda wamwari wevatorwa.

12 Zvino Jehovha achagura munhu anoita izvi, anomutsa neanopindura, kubva mumatende aJakove, neuyo anoswededza chipo kuna Jehovha wehondo.

13 Zvino izvi wazviita rwechipiri, uchifukidza aritari yaJehovha nemisodzi, nekuchema, nekugomera, nokuti hakuchina kutendeukira kuchipo kana kugamuchira chinhu chipi chinofadza kubva muruoko rwenyu.

14 Zvakadaro munoti: Nemhaka yei? Nekuda kwekuti Jehovha wanga ari chapupu pakati pako nemukadzi weujaya hwako, iye wawakaitira nekunyengera, zvakadaro ari shamwari yako, uye mukadzi wesungano yako.

15 Haana kuita umwe here? Zvakadaro ane mweya wakasara. Zvino nemhaka yei ari umwe? Kuti atsvake chizvarwa chaMwari. Naizvozvo chenjererai nemweya wenyu; uye musarega umwe achibata neunyengeri kumukadzi weujaya hwake.

16 Nokuti ndinovenga kurambana, anoreva Jehovha Mwari waIsraeri. Nokuti umwe anofukidza mhirizhonga nenguvo yake, anoreva Jehovha wehondo. Naizvozvo chenjererai nemweya yenyu, kuti musaita nekunyengera.

17 Makanetesa Jehovha nemashoko enyu. Zvakadaro munoti: Takanetesa pane zvipi? Pamunoti: Umwe neumwe anoita zvakaipa wakanaka pamberi paJehovha, uye munovafarira; kana: Aripi Mwari wemutongo?