ShonaTeam Zechariah « 14

Jehovha achabata ushe hwose

14Tarira, zuva raJehovha rinosvika, nezvakapambiwa zvako zvichagoverwa pakati pako.

2 Zvino ndichaunganidza marudzi ose kurwisa Jerusarema pahondo; uye guta richatorwa, nedzimba dzichapambiwa, nevakadzi vachabhinyiwa, uye hafu yeguta ichabudira kuutapwa, asi vakasara vevanhu havangagurwi kubva muguta.

3 Ipapo Jehovha achabuda, ndokurwa nemarudzi awo, sepazuva rekurwa kwake pazuva rehondo.

4 Zvino muzuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivhi, riri pamberi peJerusarema kumabvazuva; negomo reMiorivhi richapamuka pakati paro kumabvazuva nekumavirira, uve mupata mukuru kwazvo; uye hafu yegomo ichatsedukira kumaodzanyemba, uye hafu yaro kuchamhembe.

5 Zvino muchatizira kumupata wemakomo, nokuti mupata wemakomo uchasvika paAzeri; hongu, muchatiza, sepamakatiza kubva pamberi pekudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha. Zvino Jehovha Mwari wangu achauya, nevatsvene vose vanewe.

6 Zvino zvichaitika nezuva iro, chiedza hachingacheni kana kusviba.

7 Asi richava zuva rimwe, richazikanwa naJehovha; haangavi masikati, uye hahungavi usiku; asi zvichaitika, panguva yemadekwani pachava nechiedza.

8 Zvino zvichaitika muzuva iro, mvura mhenyu zhinji ichabuda kubva muJerusarema; hafu yayo kuenda kugungwa rekumabvazuva, uye hafu yayo kuenda kugungwa rekumavirazuva; zvichavapo pazhizha nepachando.

9 Zvino Jehovha achava mambo pamusoro penyika yose; muzuva iro kuchava naJehovha umwe chete, uye zita rake richava rimwe chete.

10 Nyika yose ichashandurwa kuva sebani, kubva paGebha kusvika paRimoni kuchamhembe kweJerusarema; uye ichakwiridzwa nekugara panzvimbo yayo, kubva pasuwo raBhenjamini kusvika kunzvimbo yesuwo rekutanga kusvika kusuwo rekona, uye kubva pashongwe yeHananeri kusvika kuzvisviniro zvewaini zvamambo.

11 Zvino vachagaramo, uye hakuchazovizve nekuparara, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka.

12 Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro marudzi ose akarwa neJerusarema: Achaodza nyama yavo vamire netsoka dzavo, nemeso avo achaorera mumakomba awo, nerurimi rwavo rwuchaorera mumuromo mavo.

13 Zvino zvichaitika, muzuva iro, nyonga-nyonga huru yaJehovha ichava pakati pavo; uye vachabatana umwe neumwe ruoko rwewekwake, uye ruoko rwake rwuchamukira ruoko rwewekwake.

14 NaJudha acharwawo paJerusarema; uye fuma yevechirudzi vose vakapoteredza ichaunganidzwa, goridhe, nesirivha, nenguvo, uwandu ukuru.

15 Zvino richadaro denda rebhiza, rehesera, rekamera, nerembongoro, neremhuka dzose dzichava mumisasa iyi, sedenda iri.

16 Zvino zvichaitika, umwe neumwe wakasiiwa pamarudzi ose, aiva auya kurwisa Jerusarema, vachakwira gore negore kunoshumira Mambo, Jehovha wehondo, nekuchengetedza mutambo wematumba.

17 Zvino zvichadai, kuti uyo asina kukwira kuJerusarema achibva pamhuri dzepanyika kunonamata Mambo, Jehovha wehondo, pamusoro pavo hapangavi nemvura.

18 Zvino kana mhuri yeEgipita ikasakwira, uye ikasapinda, ipapo pavari hapangavi nemvura, pachava nedenda, Jehovha raacharova naro marudzi asingakwiri kunochengetedza mutambo wematumba.

19 Uyu ndiwo murango wechivi cheEgipita, nemurango wechivi chemarudzi ose asingakwiri kunochengetedza mutambo wematumba.

20 Muzuva iro pamabhera emabhiza pachava nechinyorwa: UTSVENE KUNA JEHOVHA. Nehari muimba yaJehovha dzichafanana nedzimbiya pamberi pearitari.

21 Hongu, hari imwe neimwe paJerusarema nepaJudha ichava tsvene kuna Jehovha wehondo; uye vose vanobaira vachauya ndokutora padziri, ndokubikira madziri; uye muzuva iro hakuchazovizve nemuKenani muimba yaJehovha wehondo.