ShonaTeam Zechariah « 13 »

Kunatswa kwezvivi zvevanhu vaJehovha

13Muzuva iro kuchava nechitubu chakazarurirwa chivi netsvina kuimba yaDhavhidhi nekuvagari veJerusarema.

2 Zvino zvichaitika muzuva iro, anoreva Jehovha wehondo, ndichagura mazita ezvifananidzo kubva munyika, uye hazvingazorangarirwizve; hongu ndichapfuudzawo vaporofita nemweya yakaipa kubva panyika.

3 Zvino zvichaitika, kana munhu akaporofitazve, ipapo baba vake namai vake vakamubereka vachati kwaari: Haungararami, nokuti unotaura nhema muzita raJehovha. Uye baba vake namai vake vakamubereka vachamubvovora paachaporofita.

4 Zvino zvichaitika, muzuva iro, vaporofita vachanyadziswa, umwe neumwe nechiratidzo chake, pakuporofita kwake; uye havangapfeki nguvo yemvere kunyengera.

5 Asi achati: Handisi muporofita; ndiri murimi wevhu; nokuti munhu wakanditenga kubva paudiki hwangu.

6 Zvino umwe achati kwaari: Mavanga awa chii ari pazvanza zvako? Iye achati: Ndiwo andakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.

7 Munondo, muka urwise mufudzi wangu, uye urwise munhu ari shamwari yangu, anoreva Jehovha wehondo; rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; uye ndichatendeusira ruoko rwangu pamusoro pemadiki.

8 Zvino zvichaitika panyika yose, anoreva Jehovha, zvikamu zviviri zviripo zvichagurwa zvipere, uye chikamu chetatu chichasiiwapo.

9 Zvino ndichapinza chikamu chetatu nemumoto, ndigovanatsa sekunatswa kwesirivha, nekuvaidza sekuidzwa kwegoridhe. Ivo vachadana zita rangu, neni ndichavapindura. Ndichati: Vanhu vangu; ivowo vachati: Jehovha ndiMwari wangu.