ShonaTeam Zechariah « 12 »

Kusunungurwa kweJerusarema

12Mutoro weshoko raJehovha pana Israeri, anoreva Jehovha, anotatamura matenga, nekuteya nheyo dzenyika, nekuumba mweya wemunhu mukati make:

2 Tarirai, ndichaita Jerusarema mukombe wekudzedzeresesa kumarudzi ose akapoteredza; hongu, uchava pamusoro paJudhawo pakukombwa kurwisana neJerusarema.

3 Zvino zvichaitika nezuva iro, ndichaita Jerusarema ibwe riri mutoro kumarudzi ose. Vose vanozviremedza naro vachaguranyiwa kwazvo; uye vanhu vose vepanyika vachaungana kurirwisa.

4 Muzuva iro, anoreva Jehovha, ndicharova bhiza rimwe nerimwe nekuvhunduka, nemutasvi waro nekupenga; uye paimba yaJudha ndichazarura meso angu; uye ndicharova bhiza rimwe nerimwe revanhu neupofu.

5 Ipapo madzishe aJudha achati mumoyo wavo: Vagari veJerusarema isimba rangu muna Jehovha wehondo Mwari wavo.

6 Muzuva iro ndichaita madzishe aJudha segango remoto pakati pehuni, uye sezhenje remoto pakati pezvisote. Zvino vachapedza marudzi ose akavapoteredza, kuruoko rwerudyi nekuruboshwe; uye Jerusarema richagarwazve panzvimbo yavo, muJerusarema.

7 Jehovha achaponesawo matende aJudha pakutanga, kuti mbiri yeimba yaDhavhidhi nembiri yevagari veJerusarema isazvikudza pana Judha.

8 Muzuva iro Jehovha achadzitira vagari veJerusarema; neasina simba pakati pavo muzuva iro achava saDhavhidhi; uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari, semutumwa waJehovha pamberi pavo.

9 Zvino zvichaitika muzuva iro, ndichatsvaka kuparadza marudzi ose anouya kurwisa Jerusarema.

10 Zvino ndichadurura paimba yaDhavhidhi, nepavagari veJerusarema, mweya wenyasha newemikumbiro; zvino vachatarira kwandiri ini wavakabvovora; uye vachamuchemera seanochema mwanakomana umwe oga; uye achashungurudzika seanoshungurudzikira dangwe rake.

11 Muzuva iro kuchava kukuru kurira muJerusarema, sekurira kwaHadhadhirimoni mumupata waMegidhoni.

12 Zvino nyika icharira, mhuri imwe neimwe iri yoga: Mhuri yeimba yaDhavhidhi iri yoga, nevakadzi vavo vari voga; mhuri yeimba yaNatani iri yoga, nevakadzi vavo vari voga;

13 mhuri yeimba yaRevhi iri yoga, nevakadzi vavo vari voga; mhuri yaShimei iri yoga, nevakadzi vavo vari voga;

14 mhuri dzose dzakasara, mhuri imwe neimwe iri yoga, nevakadzi vavo vari voga.