ShonaTeam Zechariah « 11 »

Nyika yaJehovha ichaparadzwa

11Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.

2 Ungudza, iwe muti wemufiri, nokuti musidhari wawa, nokuti miti yeumambo yaparadzwa; ungudzai, imwi miouki yeBhashani, nokuti sango risingapindiki rawa.

3 Kune inzwi rekuungudza kwevafudzi, nokuti rukudzo rwavo rwaparadzwa; inzwi rekuomba kweshumba diki, nokuti kuzvikudza kwaJoridhani kunoparadzwa.

Vafudzi vaviri

4 Anoreva seizvi Jehovha Mwari wangu: Fudza makwai ekuuraiwa;

5 vatengi vawo vanoauraya, vanoti havana mhosva; nevatengesi vawo vanoti: Ngaarumbidzwe Jehovha, zvino ndafuma; nevafudzi vawo havaanzwiri ngoni.

6 Nokuti handichazonzwirizve ngoni vagari vepanyika, anoreva Jehovha, asi tarira, ndinobudisa vanhu, umwe neumwe kupinda muruoko rwewekwake, nemuruoko rwamambo wake; zvino vachapwanya nyika, uye handinganunuri kubva muruoko rwavo.

7 Zvino ndichafudza makwai ekuuraiwa, hongu anosiririsa emakwai; uye ndichazvitorera tsvimbo mbiri; imwe ndichaiti Runako, uye imwe ndichaiti Zvisungo; zvino ndichafudza makwai.

8 Zvino ndichaparadza vafudzi vatatu mumwedzi umwe, uye mweya weupenyu wangu wakavarwadzirwa, nemweya wavo wakandisemawo.

9 Zvino ndakati: Handingakufudzii; anofa ngaafe, neanoparadzwa ngaaparadzwe, nevanosara ngavadye umwe neumwe nyama yeumwe.

10 Zvino ndakatora tsvimbo yangu, Runako, ndokuivhuna, kuti ndigure sungano yangu yandaiva ndaita nemarudzi ose.

11 Zvino yakagurwa muzuva iro, zvino saizvozvo anosiririsa emakwai akandimirira akaziva kuti raiva shoko raJehovha.

12 Zvino ndakati kwavari: Kana zvakanaka pameso enyu, ipai mubairo wangu, uye kana zvisizvo, regai. Naizvozvo vakayerera mubairo wangu makobiri makumi matatu esirivha.

13 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Zvikande kumuumbi; mutengo mukuru wandaiva ndaverengerwa navo! Zvino ndakatora makobiri makumi matatu esirivha ndokuakandira muimba yaJehovha kumuumbi.

14 Ipapo ndikavhuna tsvimbo yangu yechipiri, Zvisungo, kuti ndiputse ukama pakati paJudha naIsraeri.

15 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Zvitorerezve zvombo zvemufudzi benzi.

16 Nokuti tarira, ndichamutsa mufudzi panyika; asingazofambiri akaparadzwa; asingazotsvaki madiki; uye asingazorapi akavhunika; uye asingazofudzi amire; asi achadya nyama yeakakora, nekubvamburanya mahwanda awo.

17 Nhamo kumufudzi asingabatsiri, anosiya makwai! Munondo uchava pamusoro peruoko rwake nepamusoro peziso rake rekurudyi. Ruoko rwake rwuchaonyana chose, uye ziso rake rekurudyi richasvibirirwa chose.