ShonaTeam Zechariah « 9 »

Kuparadzwa kwevavengi vaIsraeri

9Mutoro weshoko raJehovha panyika yeHadhiraki, neDhamasiko, zororo rake; nokuti ziso remunhu neremarudzi ose aIsraeri riri kuna Jehovha.

2 NeHamatiwo richaganhurana naro, Tire, neSidhoni, kunyange rakachenjera zvikuru.

3 Zvino Tire rakazvivakira nhare, uye rakaunganidza sirivha seguruva, negoridhe rakaisvonaka sematope emunzira dzemumusha.

4 Tarirai, Ishe acharidzinga, uye acharovera simba raro mugungwa; uye iro richadyiwa nemoto.

5 Ashikeroni richaona, ndokutya; neGaza, rigoshungurudzika zvikuru; neEkironi; nokuti zvarakatarisira zvichanyadziswa; uye mambo achaparara kubva kuGaza, uye Ashikeroni haringagarwi.

6 Zvino wakazvarwa neufeve achagara muAshidhodhi, uye ndichagura kuzvikudza kwevaFirisitia.

7 Zvino ndichabvisa ropa rake kubva mumuromo make, nezvinyangadzo zvake kubva pakati pemazino ake; asi anosara ndiye achava waMwari wedu, achava semuchinda kwaJudha, uye Ekironi semuJebhusi.

8 Zvino ndichadzika musasa paimba yangu nekuda kwehondo, nekuda kweanopfuura uye nekuda kweanodzoka, uye hakuna mumanikidzi achapfuura nemavarizve, nokuti ikozvino ndaona nemeso angu.

Mambo weZiyoni

9 Fara kwazvo, iwe mukunda weZiyoni; pururudza, iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako anouya kwauri; wakarurama, uye ane ruponeso, munyoro, uye wakatasva mbongoro, nemhuru, mwana wedzimbongoro hadzi.

10 Zvino ndichagura ngoro ibve kwaEfuremu, nebhiza paJerusarema; neuta hwehondo huchagurwa; zvino achataura rugare kune vechirudzi, uye umambo hwake huchabva pagungwa kuenda pagungwa, uye huchabva parwizi kusvika pamigumo yenyika.

11 Newe, neropa resungano yako ndabudisa vasungwa vako kubva mugomba risina mvura.

12 Dzokerai kunhare, imwi vasungwa vane tariro; iko nhasi ndinodanidzira kuti ndichadzosera kwamuri zvakapetwa kaviri.

13 Pandichazvikungira Judha, ndikazadza uta naEfuremu; uye ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni, varwisane nevanakomana vako, iwe Girisi; uye ndichakuita uve semunondo wemhare.

14 Zvino Jehovha achaonekwa pamusoro pavo; nemuseve wake uchabuda semheni; uye Ishe Jehovha acharidza hwamanda, uye achafamba nezvamupupuri zvekuchamhembe.

15 Jehovha wehondo achavadzitira; uye vachadya, vachawisira pasi mabwe echipfuramabwe; uye vachanwa, ndokuita ruzha sewaini; uye vachazara sendiro, semakona earitari.

16 Zvino Jehovha Mwari wavo achavaponesa pazuva iro seboka revanhu vake; nokuti ivo mabwe ekorona, anosimudzwa pamusoro penyika yake.

17 Nokuti kwakakura sei kururama kwake, uye rwakakura sei runako rwake; zviyo zvichamutsa majaya, uye waini itsva mhandara.