ShonaTeam Zechariah « 8 »

Jerusarema richagarwazve

8Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika richiti:

2 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ndaiva negodo neZiyoni negodo guru, uye ndaiva negodo naro nekupfuta kukuru.

3 Anoreva seizvi Jehovha: Ndadzoka paZiyoni, uye ndagara mukati meJerusarema; uye Jerusarema richanzi guta rechokwadi, uye gomo raJehovha wehondo, gomo dzvene.

4 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kuchagarazve vatana nechembere munzira dzemumusha dzeJerusarema; uye umwe neumwe ane mudonzvo wake muruoko rwake neuwandu hwemazuva.

5 Zvino nzira dzemumusha dzeguta dzichazadzwa nevakomana nevasikana vachitamba munzira dzaro dzemumusha.

6 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kana zvichishamisa pameso evakasara vevanhu ava mumazuva awa, zvichashamisawo here pameso angu? anoreva Jehovha wehondo.

7 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Tarirai, ndichaponesa vanhu vangu panyika yekumabvazuva, nepanyika yekumavirazuva.

8 Uye ndichavaunza, vagogara mukati meJerusarema; zvino vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo, muchokwadi nemukururama.

9 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Maoko enyu ngaasimbe, imwi munonzwa mumazuva ano mashoko awa anobva mumuromo wevaporofita, vaivapo pazuva nheyo yeimba yaJehovha wehondo ichiiswa, kuti tembere ivakwe.

10 Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwaiva kusina muhoro wemunhu, hongu kwaiva kusina muhoro wemhuka; uye kune aibuda, nekune waipinda, kwaiva kusina rugare nekuda kwemudzivisi. Zvino ndakatuma munhu wose umwe neumwe kurwisa wekwake.

11 Asi ikozvino handichazovi kune vakasara vevanhu ava sepamazuva ekare, anoreva Jehovha wehondo.

12 Nokuti mbeu ichabudirira, muzambiringa uchabereka chibereko chawo, uye ivhu richabereka zvibereko zvaro, uye matenga achapa dova rawo; zvino ndichagarisa vakasara vevanhu ava nhaka yezvinhu izvi zvose.

13 Zvino zvichaitika, sezvamaiva chakatukwa pakati pevechirudzi, imwi imba yaJudha, neimba yaIsraeri, saizvozvo ndichakuponesai, uye muchava ropafadzo; musatya, maoko enyu ngaasimbe.

14 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo: Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, madzibaba enyu paakanditsamwisa, anoreva Jehovha wehondo, zvino handina kuzvidemba;

15 saizvozvozve, ndakadzoka ndofunga pamazuva ano kuitira Jerusarema zvakanaka, uye kuitira imba yaJudha; musatya.

16 Izvi zvinhu zvamuchaita: Taurai chokwadi, umwe neumwe kune wekwake; tongai pamasuwo enyu chokwadi nemutongo werugare.

17 Zvino ngakusava neumwe anofungira wekwake zvakaipa mumoyo menyu; uye musada mhiko yenhema; nokuti zvose zvinhu izvi ndinovenga, anoreva Jehovha.

18 Zvino shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri richiti:

19 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kutsanya kwemwedzi wechina, nekutsanya kweweshanu, nekutsanya kwewechinomwe, nekutsanya kwewegumi, zvichava mufaro nekufarisisa kuimba yaJudha, nemabiko akanaka; naizvozvo idai chokwadi nerugare.

20 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Kuchasvikazve marudzi nevagari vemaguta mazhinji.

21 Zvino vagari veguta rimwe vachaenda kune rimwe vachiti: Ngatiendei nekukurumidza kunonyengetera pamberi paJehovha, nekutsvaka Jehovha wehondo; neni ndichaenda.

22 Hongu, kuchauya vanhu vazhinji nemarudzi ane simba kutsvaka Jehovha wehondo paJerusarema, nekunyengetera pamberi paJehovha.

23 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Mumazuva iwawo, varume gumi vanobva kundimi dzose dzemarudzi vachabata, hongu, vachabata mupendero wenguvo yemunhu muJudha, vachiti: Tichaenda nemwi, nokuti tanzwa kuti Mwari anemwi.