ShonaTeam Zechariah « 7 »

Jehovha anotsvaka kururama

7Zvino zvakaitika mugore rechina ramambo Dhariyasi; shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, nerechina remwedzi wepfumbamwe, muna Kisirevhi.

2 Pavaiva vatuma kuimba yaMwari Sharezeri, naRegemi-Mereki, nevarume vake, kunokumbira chiso chaJehovha,

3 kutaura kuvapristi vaiva muimba yaJehovha wehondo nekuvaporofita, vachiti: Ndicheme misodzi here mumwedzi weshanu, ndizvitsaure, sezvandakaita makore awa akawanda kudai?

4 Zvino rakasvika shoko raJehovha wehondo kwandiri, richiti:

5 Taura kuvanhu vose vepanyika, nekuvapristi, uchiti: Pamakatsanya nekurira mumwedzi weshanu nemune wechinomwe, kunyange makore awo makumi manomwe, makatombotsanyira ini, iyeni here?

6 Uye pamakadya, uye pamakanwa, hamusi imwi makadya uye imwi makanwa here?

7 Haasi iwo mashoko Jehovha aakadanidzira neruoko rwevaporofita vekare here, Jerusarema paraigarwa uye rakatambarara, nemaguta aro akarikomberedza, richigarwa kuchamhembe nekumapani?

8 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, richiti:

9 Anoreva seizvi Jehovha wehondo, achiti: Tongai mutongo wechokwadi, uye muite unyoro nengoni, umwe neumwe kuhama yake.

10 Zvino musamanikidza chirikadzi, nenherera, mutorwa, nemurombo; uye musafungira zvakaipa mumoyo menyu, umwe neumwe kuhama yake.

11 Asi vakaramba kuteerera, vakapa fudzi rinoramba kuteerera, uye vakaremedza nzeve dzavo kuti varege kunzwa.

12 Hongu, vakaita moyo yavo seibwe rakaoma, kuti varege kunzwa murairo, nemashoko Jehovha wehondo aakatumira neMweya wake neruoko rwevaporofita vekare; naizvozvo kwakauya kutsamwa kukuru kubva kuna Jehovha wehondo.

13 Naizvozvo zvakaitika paaidanidzira, asi havana kunzwa, saizvozvo vanodanidzira, asi handinganzwi, anoreva Jehovha wehondo.

14 Asi ndakavaparadzira nechamupupuri kumarudzi ose avaiva vasingazivi. Saizvozvo nyika yakava dongo shure kwavo, zvekuti hakuna munhu wakapfuura uye hakuna wakadzoka. Nokuti vakaita nyika inofadza dongo.