ShonaTeam Zechariah « 6 »

Ngoro ina

6Zvino ndakadzoka ndokusimudza meso angu, ndokuona, zvino tarira, ngoro ina dzinobuda kubva pakati pemakomo maviri; uye makomo aiva makomo endarira.

2 Pangoro yekutanga paiva nemabhiza matsvuku, uye pangoro yechipiri mabhiza matema,

3 nepangoro yechitatu mabhiza machena, nepangoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba.

4 Zvino ndakapindura ndokuti kumutumwa waitaura neni: Izvi zvii, ishe wangu?

5 Mutumwa ndokupindura ndokuti kwandiri: Iyi mweya mina yekumatenga inobuda kubva pakumira pamberi paIshe wenyika yose.

6 Mabhiza matema arimo anobuda achienda kunyika yekumaodzanyemba; uye machena anobuda kuatevera; nemapfumbu anobuda achienda kunyika yekuchamhembe.

7 Ane simba akabudawo ndokutsvaka kufamba kuenda uko neuko panyika. Iye ndokuti: Fambai muende uko neuko panyika. Zvino akaenda uko neuko panyika.

8 Zvino wakandidana ndokutaura kwandiri achiti: Ona, awa anobuda kuenda kunyika yekumaodzanyemba akazorodza mweya wangu panyika yekumaodzanyemba.

Kuzodzwa kwaJoshua mupristi mukuru

9 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:

10 Tora kune vakatapwa, kuna Heridhai, nekuna Tobhiya, nekuna Jedhaia, vakabva kuBhabhironi, uuye iwe nezuva iroro, zvino uende muimba yaJosiya mwanakomana waZefaniya.

11 Uye utore sirivha negoridhe, ugoita korona zhinji, ugoisa pamusoro waJoshua, mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru.

12 Zvino utaure kwaari uchiti: Anotaura seizvi Jehovha wehondo achiti: Tarira, munhu ane zita rinonzi Bukira, iye achabukira kubva panzvimbo yake, uye achavaka tembere yaJehovha.

13 Iyewo achavaka tembere yaJehovha; iyewo achatakura umambo, uye achagara atonge pamusoro pechigaro chake cheumambo; uye achava mupristi pamusoro pechigaro chake cheumambo; uye zano rerugare richava pakati pavo vari vaviri.

14 Zvino korona dzichava kuna Heremi, nekuna Tobhiya, nekuna Jedhaia, nekuna Heni, mwanakomana waZefaniya, chive chiyeudzo mutembere yaJehovha.

15 Vari kure vachauya vachivaka mutembere yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo wakanditumira kwamuri. Izvi zvichaitika kana muchiteerera zvekuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.