ShonaTeam Zechariah « 5 »

Rugwaro rwakapetwa rwunobhururuka

5Zvino ndakadzoka, ndokusimudza meso angu, ndokuona, zvino tarira, rugwaro rwakapetwa rwuchibhururuka.

2 Zvino wakati kwandiri: Unoonei? Ini ndokuti: Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwunobhururuka; urefu hwarwo makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwarwo makubhiti gumi.

3 Zvino wakati kwandiri: Uku kutukwa kunobuda pachiso chepanyika yose. Nokuti umwe neumwe anoba achagurwa kurutivi runo zvichienderana nako; uye umwe neumwe anopika achagurwa kurutivi urwo zvichienderana nako.

4 Ndichakubudisa, anoreva Jehovha wehondo, uye kuchapinda muimba yembavha nemuimba yeanopika nhema nezita rangu, kugogara mukati meimba yake, uye kuchaipedza pamwe nematanda ayo nemabwe ayo.

Mukadzi wakabata efa

5 Zvino mutumwa waitaura neni wakabuda, ndokuti kwandiri: Simudza meso ako ikozvino, ugoona kuti chii ichi chinobuda.

6 Zvino ndakati: Chii? Iye ndokuti: Iyi iefa inobuda. Akatizve: Ichi chimiro chavo panyika yose.

7 Zvino tarira, kwakasimudzwa chivharo chemutobvu; uye uyu waiva mukadzi waiva agere mukati meefa.

8 Zvino wakati: Uyu ndiye zvakaipa. Ndokumuwisira mukati meefa, ndokuwisira uremu hwemutobvu mumuromo wayo.

9 Zvino ndakasimudza meso angu ndokuona, zvino tarira, vakadzi vaviri vanobuda, nemhepo mumapapiro avo, uye vane mapapiro semapapiro ezimudo; zvino vakasimudzira efa pakati penyika nematenga.

10 Zvino ndakati kumutumwa waitaura neni: Ava vanotakurirepi efa?

11 Iye ndokuti kwandiri: Kunoivakira imba munyika yeShinari; uye ichamiswa ndokuiswapo pamusoro penheyo yake.