ShonaTeam Zechariah « 4 »

Chigadziko chemwenje nemiorivhi miviri

4Zvino mutumwa waitaura neni wakauya zvekare, ndokundimutsa semunhu anomutswa kubva muhope dzake.

2 Zvino wakati kwandiri: Unoonei? Ini ndokuti: Ndaona, zvino tarira, chigadziko chemwenje chegoridhe rose, nendiro pamusoro pemusoro wacho, nemwenje yacho minomwe pachiri; pombi nomwe nenomwe dziri pamwenje iri pamusoro pemusoro wacho.

3 Nemiti yemiorivhi miviri parutivi rwacho, umwe kurudyi rwendiro, neumwe kuruboshwe rwayo.

4 Zvino ndakapindura ndokutaura kumutumwa waitaura neni ndichiti: Izvi zvii, ishe wangu?

5 Zvino mutumwa waitaura neni wakapindura ndokuti kwandiri: Hauzivi kuti izvi zvii here? Ini ndokuti: Kwete, ishe wangu.

6 Zvino wakapindura ndokutaura kwandiri achiti: Iri ishoko raJehovha kuna Zerubhabheri, richiti: Kwete nechisimba, uye kwete nesimba, asi neMweya wangu, anoreva Jehovha wehondo.

7 Ndiwe ani, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchava bani. Iye achabudisa ibwe riri musoro nekudanidzira kukuru: Nyasha, nyasha kwariri.

8 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti:

9 Maoko aZerubhabheri akateya nheyo yeimba ino, uye maoko ake achaipedzisa. Zvino uchaziva kuti Jehovha wehondo wakandituma kwamuri.

10 Nokuti ndiani akazvidza zuva rezvinhu zvidiki? Nokuti vachafara uye vachaona ibwe remhangura muruoko rwaZerubhabheri; awa manomwe ndiwo meso aJehovha, anoenda uko neuko panyika yose.

11 Zvino ndakapindura ndokuti kwaari: Miorivhi iyi miviri kurudyi rwechigadziko chemwenje nekuruboshwe rwacho chii?

12 Zvino ndakapindura rwechipiri ndokuti kwaari: Matavi awa maviri emiorivhi anodira goridhe kubva maari nepombi mbiri dzegoridhe chii?

13 Zvino wakataura kwandiri achiti: Hauzivi here kuti awa chii? Ini ndokuti: Kwete, ishe wangu.

14 Zvino wakati: Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire panaIshe wenyika yose.