ShonaTeam Zechariah « 2 »

Chiratidzo cherwonzi rwekuyera

2Ndakasimudza meso angu zvekare, ndokuona, zvino tarira, munhu, ane rwonzi rwekuyera muruoko rwake.

2 Zvino ndakati: Unoenda kupi? Iye ndokuti kwandiri: Kunoyera Jerusarema, kuona kuti kufara kwaro chii, uye urefu hwaro chii.

3 Zvino tarira, mutumwa waitaura neni wakabuda; umwe mutumwa ndokubuda kumuchingamidza.

4 Zvino wakati kwaari: Mhanya, taura kujaya iri uchiti: Jerusarema richagarwa semaguta asina masvingo nekuda kweuwandu hwevanhu nezvipfuwo zviri mariri.

5 Nokuti ini, anoreva Jehovha, ndichava kwariri rusvingo rwemoto kukomberedza; uye ndichava kubwinya mukati maro.

6 Haiwa, haiwa! Zvino tizai mubve munyika yekumaodzanyemba, anoreva Jehovha, nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzekumatenga, anoreva Jehovha.

7 Haiwa! Ziyoni, pukunyuka, iwe ugere nemukunda weBhabhironi.

8 Nokuti anoreva seizvi Jehovha wehondo: Shure kwekubwinya wakandituma kumarudzi akakupambai; nokuti anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rake.

9 Nokuti tarirai, ndichazunza ruoko rwangu pamusoro pavo; uye vachava chinhu chakapambiwa kuvaranda vavo; zvino muchaziva kuti Jehovha wehondo wakandituma.

10 Imba uye ufare, iwe mukunda weZiyoni; nokuti tarira, ndinouya, uye ndichagara mukati mako, anoreva Jehovha.

11 Zvino marudzi mazhinji achabatanidzwa kuna Jehovha pazuva iro; uye achava vanhu vangu; uye ndichagara mukati mako; uye uchaziva kuti Jehovha wehondo wakandituma kwamuri.

12 Zvino Jehovha achagara nhaka yaJudha, mugove wake panyika tsvene, uye achasarudzazve Jerusarema.

13 Nyarara, nyama yose, pamberi paJehovha; nokuti wamutswa kubva paugaro hwake utsvene.