ShonaTeam Zechariah « 1 »

Vanhu vanoyambirwa kuti vatendeukire kuna Jehovha

1 Mumwedzi werusere, mugore rechipiri raDhariyasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, mwanakomana waBherekiya, mwanakomana wemuporofita Idho, richiti:

2 Jehovha wakatsamwira madzibaba enyu zvekutsamwa.

3 Naizvozvo uti kwavari: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Dzokerai kwandiri, anoreva Jehovha wehondo, neni ndichadzokera kwamuri, anoreva Jehovha wehondo.

4 Regai kuva semadzibaba enyu, vaporofita vekutanga vakadanidzira kwavari, vachiti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Dzokai henyu panzira dzenyu dzakaipa nezviito zvenyu zvakaipa. Asi havana kunzwa, uye havana kuteerera kwandiri, anoreva Jehovha.

5 Madzibaba enyu aripi? Nevaporofita, vanorarama nekusingaperi here?

6 Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakaraira varanda vangu vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here? Zvino vakatendeuka vakati: Jehovha wehondo sezvaakafunga kutiitira, zvinoenderana nenzira dzedu uye zvinoenderana nezviito zvedu, saizvozvo wakaita kwatiri.

Chiratidzo chemabhiza

7 Pazuva remakumi maviri nemana remwedzi wegumi neumwe, uri mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariyasi, rakasvika shoko raJehovha kuna Zekariya, mwanakomana waBherekiya, mwanakomana wemuporofita Idho, richiti:

8 Ndakaona usiku, zvino tarira, murume wakatasva pabhiza dzvuku, zvino wakamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumukaha; uye shure kwake kune mabhiza matsvuku, akatsvukuruka, nemachena.

9 Zvino ndakati: Ishe wangu, zvii izvi? Mutumwa waitaura neni ndokuti kwandiri: Ini ndichakuratidza kuti zvii izvi.

10 Zvino munhu waiva amire pakati pemiti yemimirite wakapindura ndokuti: Ava ndivo Jehovha vaakatuma kufamba kuenda uko neuko panyika.

11 Zvino vakapindura mutumwa waJehovha waiva amire pakati pemiti yemimirite, ndokuti: Takafamba kuenda uko neuko panyika, zvino tarira, nyika yose igere murunyararo.

12 Zvino mutumwa waJehovha wakapindura ndokuti: Jehovha wehondo, kusvika rinhi imwi musinganzwiri ngoni Jerusarema nemaguta aJudha, amakatsamwira makore awa makumi manomwe?

13 Zvino Jehovha wakapindura mutumwa waiva achitaura neni nemashoko akanaka, mashoko anonyaradza.

14 Saizvozvo mutumwa waitaura neni wakati kwandiri: Danidzira uti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Ndine godo neJerusarema uye neZiyoni, godo guru.

15 Uye nekutsamwa kukuru ndakatsamwira vechirudzi vakatambarara; nokuti ini ndaiva ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakabatsira kuti kuve nekuipa.

16 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Ndinodzokera kuJerusarema nengoni zhinji; imba yangu ichavakwa mariri, anoreva Jehovha wehondo; uye rwonzi rwekuyera rwuchatambanudzirwa pamusoro peJerusarema.

17 Danidzirazve, uti: Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Maguta angu achapfachukirazve nezvakanaka; uye Jehovha achangonyaradzazve Ziyoni, uye achasarudzazve Jerusarema.

Chiratidzo chenyanga nevapfuri

18 Zvino ndakasimudza meso angu ndokuona, zvino tarira, nyanga ina.

19 Zvino ndakati kumutumwa waitaura neni: Zvii izvi? Iye ndokuti kwandiri: Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri, neJerusarema.

20 Zvino Jehovha wakandiratidza mhizha ina.

21 Zvino ndakati: Ava vauya kuzoitei? Iye ndokutaura achiti: Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, zvekuti hakuna munhu anosimudza musoro wake; asi idzi dzauya kudzityityidzira, kurasa nyanga dzevechirudzi, vakasimudza runyanga pamusoro penyika yaJudha kuiparadzira.