ShonaTeam Haggai « 1 »

Vanhu vanorairwa kuvaka tembere

1 Mugore rechipiri raDhariyasi mambo, mumwedzi wechitanhatu, muzuva rekutanga remwedzi, rakasvika shoko raJehovha neruoko rwemuporofita Hagai kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nekuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, richiti:

2 Anotaura seizvi Jehovha wehondo achiti: Vanhu ava vanoti: Nguva haina kusvika, nguva imba yaJehovha yaichavakwa.

3 Ipapo shoko raJehovha rakasvika neruoko rwaHagai muporofita, richiti:

4 Inguva yenyu here, imwi, kuti mugare mudzimba dzenyu dzakafukidzwa mukati nemapuranga, asi imba ino idongo?

5 Naizvozvo ikozvino, anoreva seizvi Jehovha wehondo: Isai moyo wenyu panzira dzenyu.

6 Makadzvara zvakawanda, asi makapinza zvishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamugungwi; munozvipfekedza, asi hakuna anodziyirwa; uye anotambira muhoro anotambirira muhoro muchikwama chakabooka.

7 Anoreva seizvi Jehovha wehondo: Isai moyo wenyu panzira dzenyu.

8 Kwirai kugomo, mugounza matanda, mugovaka imba, zvino ndichaifarira, uye ndichakudzwa, anoreva Jehovha.

9 Manga makatarisira zvizhinji, asi tarirai, zvishoma; uye pamakaunza kumba, neni ndakazvifuridza. Nemhaka yei? anoreva Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu yava dongo, zvakadaro imwi munomhanyira umwe neumwe kuimba yake.

10 Naizvozvo matenga pamusoro penyu anonyima kuti kusava nedova; nevhu rinonyima zvibereko zvaro.

11 Zvino ndakadana kuoma pamusoro penyika, nepamusoro pemakomo, nepamusoro pezviyo, nepamusoro pewaini itsva, nepamusoro pemafuta, nepamusoro peicho ivhu charinobudisa, nepamusoro pevanhu, nepamusoro pemombe, nepamusoro pebasa rose remaoko.

12 Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru, nevakasara vose vevanhu, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, nemashoko aHagai muporofita, Jehovha Mwari wavo sezvaaiva amutuma; vanhu ndokutya pamberi paJehovha.

13 Zvino wakataura Hagai mutumwa waJehovha neshoko raJehovha kuvanhu achiti: Ndinemwi, anoreva Jehovha.

14 Jehovha ndokumutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nemweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nemweya wevakasara vose vevanhu; zvino vakauya ndokuita basa muimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,

15 pazuva remakumi maviri nemana remwedzi wechitanhatu, pagore rechipiri raDhariyasi mambo.