ShonaTeam Zephaniah « 2 »

Vanhu ngavatsvake Jehovha kutonga kuchigere kusvika

2Zviunganidzei, hongu, unganai, imwi rudzi rwusingashuviki,

2 chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kupfuta kwekutsamwa kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rekutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu.

3 Tsvakai Jehovha, imwi mose vanyoro venyika, imwi makaita mutongo wake. Tsvakai kururama, tsavakai unyoro; zvimwe mungavanzwa pazuva rekutsamwa kwaJehovha.

4 Nokuti Gaza richasiiwa, uye Ashikeroni rive dongo; vachadzinga Ashidhodhi pamasikati makuru, uye Ekironi richadzurwa.

5 Nhamo kuvagari vemahombekombe egungwa, rudzi rwevaKeteti! Shoko raJehovha rinopokana nemwi, iwe Kenani, nyika yevaFirisitia; uye ndichakuparadza, kuti musava nemugari.

6 Nemahombekombe egungwa achava mafuro ane matsime emvura yevafudzi, nezvirugu zvemakwai.

7 Zvino mahombekombe achava evakasara veimba yaJudha; vachadya paari; mudzimba dzaAshikeroni vacharara pamadekwani; nokuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira, nekudzosa utapwa hwavo.

8 Ndakanzwa kunyomba kwaMoabhu, nekutuka kwevana vaAmoni, kwavakanyomba nako vanhu vangu, ndokuzvikudza kurwisana pamuganhu wavo.

9 Naizvozvo neupenyu hwangu, anoreva Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri: Zvirokwazvo Moabhu achava seSodhoma, nevana vaAmoni seGomora, nyika yerukato, negomba remunyu, nedongo kusvika pakusingaperi; vakasara vevanhu vangu vachavapamba, uye vasiiwa vevanhu vangu vachavagara nhaka.

10 Ndizvo zvavachava nazvo pachinzvimbo chekuzvikudza kwavo, nokuti vakanyomba nekuzvikudza kurwisana nevanhu vaJehovha wehondo.

11 Jehovha achatyisa kwavari, nokuti achaonza vamwari vose venyika; uye vachamushumira, umwe neumwe kubva panzvimbo yake, zviwi zvose zvemarudzi.

12 Nemwi vaItiyopiya, muchava vakaurawa nemunondo wangu.

13 Zvino achatandavadzira ruoko rwake kumaodzanyemba, ndokuparadza Asiriya, uye achaita Ninivhe dongo, riome serenje.

14 Zvino mapoka ezvipfuwo acharara pasi mukati maro, nemhuka dzose dzemarudzi; zviri zviviri hukurwizi nenungu zvicharara pamusoro pembiru dzaro; inzwi richaimba pahwindo; kuparara kuve pazvikumbaridzo; nokuti achafukunura basa remusidhari.

15 Iri iguta rinofara, rinogara rakatambarara, rinoti mumoyo maro: Ini, uye hakuna umwe kunze kwangu. Rava dongo sei, nzvimbo yemhuka yekuraramo. Umwe neumwe anopfuura nemariri anoriridzira muridzo, anomwiza ruoko rwake.