ShonaTeam Zephaniah « 1 »

Zuva raJehovha raswedera

1 Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedhariya, mwanakomana waAmariya, mwanakomana waHezekiya, pamazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha.

2 Ndichapedza zvekupedza zvose zvibve pachiso chenyika, anoreva Jehovha.

3 Ndichapedza munhu nemhuka; ndichapedza shiri dzekumatenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwe nevakaipa; uye ndichagura munhu kubva pachiso chenyika; anoreva Jehovha.

4 Zvino ndichatandavadzira ruoko rwangu pamusoro paJudha, nepamusoro pevagari vose veJerusarema; uye ndichagura vakasara vaBhaari kubva panzvimbo ino, zita revaKemarimi pamwe nevapristi;

5 nevanoshumira hondo dzekumatenga pamusoro pematenga edzimba, nevanoshumira vanopika naJehovha vachipikawo naMarikami;

6 nevanodzoka pakutevera Jehovha, nevasina kutsvaka Jehovha, uye vasina kumubvunza.

7 Nyararai pakuvapo kwaIshe Jehovha; nokuti zuva raJehovha rava pedo; nokuti Jehovha wakagadzirira chibairo; wakaita vakakokwa vake vatsvene.

8 Zvino zvichaitika nezuva rechibairo chaJehovha, ndicharanga machinda, nevanakomana vamambo, nevose vakapfeka nguvo dzevatorwa.

9 Zvino pazuva iro ndicharanga vose vanouruka nepamusoro pechikumbaridzo, vanozadza imba yevatenzi vavo nemhirizhonga nekunyengera.

10 Zvino pazuva iro, anoreva Jehovha, kuchava neinzwi rekuchema kubva pasuwo rehove, nekuungudza kubva pane rechipiri, nekukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.

11 Ungudzai, imwi vagari veMakiteshi; nokuti vanhu vose vanotengesa vagurirwa pasi, vose vakatakura sirivha vagurwa.

12 Zvino zvichaitika panguva iyo, ndichanzvera Jerusarema nemwenje mizhinji; uye ndicharanga varume vakagadzikana pamasese avo, vanoti mumoyo mavo: Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.

13 Naizvozvo fuma yavo ichava chakapambiwa, nedzimba dzavo dongo; vachavakawo dzimba, asi havangadzigari; uye vachasima minda yemizambiringa asi havanganwi waini yayo.

14 Zuva guru raJehovha rava pedo, rava pedo, uye rinokurumidza zvikuru; inzwi rezuva raJehovha; mhare ichachemapo zvinorwadza.

15 Zuva iro izuva rekutsamwa, zuva redambudziko nekushungurudzika, zuva rekurasika nekuparara, zuva rerima nekusviba, zuva remakore nerima gobvu.

16 Zuva rehwamanda nemhere kurwisana nemaguta akashoshewa nemasvingo nekurwisana neshongwe dzakakwirira.

17 Zvino ndichamanikidza vanhu, kuti vafambe semapofu; nokuti vakatadzira Jehovha; neropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove.

18 Nesirivha yavo kana goridhe ravo hazvingagoni kuvanunura pazuva rekutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nemoto wegodo rake; nokuti achapedza, zvirokwazvo nekukurumidza vose vagari vepanyika.