ShonaTeam Habakkuk « 3

Munyengetero waHabhakuki

3Munyengetero waHabhakuki muporofita paShigionoti.

2 Jehovha, ndakanzwa shoko renyu, ndakatya; Jehovha, basa renyu pakati pemakore, rimutsiridzei; pakati pemakore, zivisai; pakutsamwa, murangarire nyasha.

3 Mwari wakabva kuTemani, uye Mutsvene kubva pagomo reParani. Sera. Ukuru hwake hwakafukidza matenga, nenyika yakazara nerumbidzo yake.

4 Uye kupenya kwaiva kwakaita sechiedza; aiva nemiseve yaibva muruoko rwake; uye ipapo paiva nekuvanda kwesimba rake.

5 Pamberi pake pakafamba hosha; nemurazvo unopfuta wakabuda patsoka dzake.

6 Wakamira; ndokuyera nyika; wakaona; ndokudederesa marudzi; nemakomo ekusingaperi akapararira; zvikomo zvekare zvakakotama; nzira dzekusingaperi ndedzake.

7 Ndakaona matende eKushani pasi penhamo; maketeni enyika yeMidhiani anodedera.

8 Jehovha wakatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzairwisa nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwairwisa gungwa here, zvamotasva mabhiza enyu, ngoro dzenyu dzeruponeso?

9 Uta hwenyu hwakafukurwa kwazvo, pamhiko dzemarudzi, pane shoko. Sera. Makapamura nyika nenzizi.

10 Makomo akakuonai akadedera; kudira kwemvura kwakapfuura; udziku hwakabudisa inzwi rahwo; hwakasimudzira maoko ahwo kumusoro.

11 Zuva, mwedzi zvakamira paugaro hwazvo; pakupenya kwemiseve yenyu zvakaenda, nekupenya kwepfumo renyu rinobwinya.

12 Pakutsamwa makatsika nyika; pahasha makapura marudzi.

13 Makabudira ruponeso rwevanhu venyu, ruponeso rwemuzodzwa wenyu; makakuvadza musoro weimba wewakaipa, nekufukura nheyo kusvika mumutsipa. Sera.

14 Makabaya netsvimbo dzake musoro wevarume vake vehondo; vakava sechamupupuri kundiparadzira; kufara kwavo kwaiva sekwekudya murombo pakavanda.

15 Makatsika pakati pegungwa nemabhiza enyu, murwi wemvura zhinji.

16 Pandakanzwa, dumbu rangu rakadedera; miromo yangu yakabvunda neinzwi; kuora kwakapinda mumapfupa angu; uye ndikadedera panzvimbo yangu, kuti ndizorore pazuva redambudziko; pakukwira kwake kurwisa vanhu achavawira.

17 Kunyange muonde ukasatunga maruva, nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, kubereka kwemuorivhi kukakona, neminda ikasabereka zvekudya, makwai akabviswa muchirugu, nemombe dzikashaikwa mumatanga,

18 zvakadaro ini ndichafara muna Jehovha, ndichava nemufaro muna Mwari weruponeso rwangu.

19 Jehovha Ishe isimba rangu, anoita tsoka dzangu dzive sehadzi yenondo, anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wekuimba, nemitengeranwa yangu.