ShonaTeam Habakkuk « 1 »

Habhakuki anogunun'una kuna Jehovha

1 Mutoro Habhakuki muporofita waakaona.

2 Jehovha, ndichachemera rubatsiro kusvika rinhi, imwi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamhirizhonga, asi hamundiponesi!

3 Munondiratidzirei chitadzo, muchitarira zvinotambudza, nekupamba, nemhirizhonga pamberi pangu? Uye gakava riripo, nenharo dzinosimuka.

4 Naizvozvo murairo hauna simba, uye mutongo hautongobudi; nokuti wakaipa wakakomba wakarurama; naizvozvo mutongo wakaminama unobuda.

5 Onai pakati pemarudzi, mutarire, shamiswai zvekushamisika; nokuti ndichaita basa pamazuva enyu ramusingazotendi kunyange rakarehwa.

6 Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhiya, rudzi rwune hasha rwunokurumidza, rwunofamba pakufarikana kwenyika, kugara nhaka yenzvimbo dzekugara dzisiri dzarwo.

7 Rwunotyisa uye rwunokarudza, mutongo warwo neukuru hwarwo hunobuda marwuri.

8 Mabhiza avowo anomhanyisa kupfuura ingwe, uye anopinza kupfuura mhumhi dzemadekwani; uye vatasvi varwo vemabhiza vachapararira, nevatasvi varwo vemabhiza vachabva kure; vachabhururuka segondo rinokurumidzira kudya.

9 Vose vachasvikira mhirizhonga; zviso zvavo zvichatarira kumabvazuva; uye vachaunganidza vatapwa sejecha.

10 Zvino ivo vachanyomba madzimambo; nemachinda achava chiseko kwavari; ivo vachaseka guta rimwe nerimwe rakashoshewa; nokuti vachatutira guruva ndokuritora.

11 Ipapo vachakukura semhepo, ndokupfuura, ndokutsauka, ndokuverengera simba rarwo iri kuna mwari warwo.

Habhakuki anogunun'unazve kuna Jehovha

12 Hamubvi pakusingaperi here, Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu? Hatingafi. Imwi Jehovha, makavamisira mutongo, nemwi Dombo, makavatemera murango.

13 Imwi makachena kwazvo pameso pane kuti muone chakaipa; musingakwanisi kutarisa zvinonyangadza. Munovatarisirei vanonyengera, muchinyarara wakaipa paanomedza wakarurama kumupfuura?

14 Muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mutongi?

15 Vanokwidza vose nehaka, vanovakweva mumumbure wavo, ndokuvaunganidza murutava rwavo; naizvozvo vanofara ndokupembera.

16 Naizvozvo vanobaira mumbure wavo, nekupisira rutava rwavo zvipfungaidzo zvinonhuhwira; nokuti mugove wavo wakakora nazvo, uye zvekudya zvavo zvine mafuta.

17 Naizvozvo vanodurura mumbure wavo here, vachirega kuramba vachiuraya marudzi evanhu?