ShonaTeam Nahum « 3

3Nhamo kuguta reropa zhinji, rose rizere nhema neugororo; zvinopambiwa hazvibvi.

2 Ruzha rwetyava, neruzha rwekutinhira kwemavhiri, nerwemabhiza anotsika, nerwengoro dzinouruka.

3 Kune mutasvi webhiza anokwira, nemurazvo wemunondo, nekupenya kwepfumo, nekuwanda kwevakakuvadzwa, neuremu hwezvitunha, hongu hakuna mugumo wemitumbi, uye vanogumburwa pamitumbi yavo;

4 nekuda kweuwandu hweufeve uzhinji hwekunaka kwenyasha dzefambi, mwene weuroyi uzhinji, inotengesa marudzi neufeve hwayo uzhinji, nemhuri kubudikidza neuroyi hwayo uzhinji.

5 Tarira, ndinopikisana newe, anoreva Jehovha wehondo, uye ndafukura marokwe ako pamberi pechiso chako, uye ndaratidza marudzi kushama kwako, neumambo uzhinji nyadzi dzako.

6 Zvino ndakanda zvinyangadzo pamusoro pako, nekusakukudza, nekukuita sechiokerwa.

7 Zvino zvichaitika, umwe neumwe anokuona achatiza kubva kwauri, uye achati: Ninivhe rapambiwa. Ndiyani acharichemera? Ndichakutsvagirepi vanyaradzi?

8 Uri nani kuna No-Amoni here, raiva rigere pakati penzizi, mvura yakaripoteredza, rusvingo rwaro riri gungwa, madziro aro achibva pagungwa?

9 Itiyopiya neEgipita raiva simba raro, uye raisapera; Puti neRubhimi vaiva pakukubatsira.

10 Zvakadaro rakatapiwa rakaenda muutapwa; vanana varowo vakaputsanyiwa panhongonya penzira dzose dzemumusha; zvino vakakandira mujenya vanhu varo vose vanokudzwa; uye vakuru varo vose vakasungwa nemaketani.

11 Newewo uchadhakwa; uchavanda; newewo uchatsvaka utiziro nekuda kwemuvengi.

12 Nhare dzako dzose mionde ine zvibereko zvekutanga; kana ikazungunuswa, zvinowira mumuromo memudyi.

13 Tarira, vanhu vako, vakadzi pakati pako, masuwo enyika yako achazarukira kwazvo vavengi vako; moto uchapedza zvipfigiso zvako.

14 Zvicherere mvura zhinji yekukombwa; usimbise nhare dzako; pinda mudope, uye ukanye ivhu; usimbise hondo yezvitinha.

15 Apo moto uchakuparadza; munondo uchakugura, uchakupedza segwatakwata; zviwanze segwatakwata, zviwanze semhashu.

16 Wakapamhidzira vatengesi vako kupfuura nyeredzi dzekumatenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka ndokuenda.

17 Vakashongedzwa korona vako semhashu, nemachinda ako semhashu zhinji, vakaita misasa pavuzhowa pazuva rechando; zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hakuchazikanwi nzvimbo yadzo kuti dziripi.

18 Vafudzi vako vanotsumwaira, iwe mambo weAsiriya; vanokudzwa vako vachagara; vanhu vako vachapararira pamusoro pemakomo, uye hakuna achaunganidza.

19 Hakuna kurapiwa kwekuvhunika kwako; vanga rako rinorwadza; vose vanonzwa guhu rako vachapwatisa maoko pauri; nokuti ndepana ani uipi hwako pahusina kupfuura rinhi narinhi?