ShonaTeam Nahum « 1 »

Hasha dzaJehovha dzinopfutira Ninivhe

1 Mutoro weNinivhe. Bhuku rechiratidzo chaNahumi muErikoshi.

2 Jehovha ndiMwari ane godo, uye mutsivi; Jehovha mutsivi uye ane hasha; Jehovha mutsivi kuvavengi vake; uye anochengetera vavengi vake hasha.

3 Jehovha anononoka kutsamwa, uye mukuru pasimba, uye Jehovha haangasununguri zvekusunungura ane mhosva; nzira yake iri muchamupupuri nemudutu remhepo, uye makore iguruva retsoka dzake.

4 Anotsiura gungwa, ndokuriomesa, nekuomesa nzizi dzose; Bhashani rinosvava, uye Karimeri, neruva reRebhanoni rinosvava.

5 Makomo anodedera pamberi pake, uye zvikomo zvinonyunguduka; nenyika inokwirira pamberi pake, nepasi, nevose vagerepo.

6 Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Uye ndiani angamira pakupfuta kwehasha dzake? Hasha dzake dzinoduruka semoto; nemabwe akaputsanyiwa naye.

7 Jehovha wakanaka; inhare pazuva rekutambudzika; uye anoziva vanovimba naye.

8 Asi nemafashame ari kupfuura achagumisa kwazvo nzvimbo yaro, uye rima richadzingirira vavengi vake.

9 Munorangarirei muchipokana naJehovha? Iye achaita mugumo wakakwana; kutambudzika hakungamuki rwechipiri.

10 Nokuti vachakorekana seminzwa, uye vakadhakwa sezvidhakwa, vachapedzwa semashanga akaoma kwazvo.

11 Murongi wezvakaipa kurwisana naJehovha wakabuda kwauri, mupi wemazano wakaipa.

12 Anoreva seizvi Jehovha: Kunyange vakatambarara, uye saizvozvo vakawanda, zvakadaro vachagurwa paachapfuura. Kunyange ndakakurwadzisa, handichakurwadzisizve.

13 Nokuti ikozvino ndichavhuna tsvimbo yake kubva kwauri, uye zvisungo zvako ndichadamburanya.

14 Zvino Jehovha wakapa murairo pamusoro pako kuti hakuchazodzvarwizve zvezita rako. Kubva muimba yevamwari vako ndichagura zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa nekunyungudusa. Ndichaita guva rako, nokuti haubatsiri.

15 Tarirai kumakomo tsoka dzinouisa mashoko akanaka, anodanidzira rugare! Iwe Judha, chengetedza mitambo yako, ita mhiko dzako, nokuti wakaipa haachazopfuurizve kwauri zvekare; wagurwa zvachose.