ShonaTeam Micah « 7

Zvivi zvaIsraeri

7Nhamo kwandiri! Nokuti ndava sepakohwewa kwezvibereko zvemuzhizha, sekufuhurudza kwegoho remazambiringa; hapana sumbu rekudya; mweya weupenyu wangu unoshuva zvibereko zvekutanga zvakaibva.

2 Munhu anotya Mwari wakaparara kubva panyika; uye hakuna wakarurama pakati pevanhu; vose vanovandira ropa; vanovhima umwe neumwe hama yake nemumbure.

3 Kuti vaite zvakaipa nemaoko maviri mukushingaira, muchinda anokumbira, nemutongi anokumbira mubairo, nemukuru, iye anotaura ruchiva rwemweya weupenyu wake; uye vanozvirukanidza.

4 Wakanakisisa wavo wakaita serukato; wakarurama anopfuura ruzhowa rwemunzwa; zuva renharirire dzako, kushanyirwa kwako kwasvika; ikozvino kukanganiswa kwavo kuchavapo.

5 Regai kuvimba neshamwari; regai kutenda hama; chengetedza mikova yemuromo wako kubva pane mukadzi akarara pachipfuva chako.

6 Nokuti mwanakomana anozvidza baba; mwanasikana anomirisana namai vake, muroora navamwene vake; vavengi vemunhu vanhu veimba yake.

7 Naizvozvo ini ndichatarira kuna Jehovha; ndichamirira Mwari weruponeso rwangu; Mwari wangu achandinzwa.

8 Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu; pandinowa, ndichamuka; pandinogara murima, Jehovha achava chiedza kwandiri.

9 Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvika achimiririra nyaya yangu, nekundiitira mutongo; achandibudisira kuchiedza; ndichaona kururama kwake.

10 Ipapo muvengi wangu achazviona, uye nyadzi dzichamufukidza, iye wakati kwandiri: Aripi Jehovha Mwari wako? Meso angu achamuona; ikozvino achava nzvimbo yekutsika-tsika sematope epanzira dzemumusha.

11 Zuva rekuvaka masvingo ako, nezuva iro miganhu ichava kure.

12 Zuva iro achauyawo kwauri kubva paAsiriya, nekumaguta akashoshewa, uye kubva kunhare kusvika kurwizi, uye kubva kugungwa kusvika kugungwa, uye kubva kugomo kusvika kugomo.

13 Zvakadaro nyika ichava dongo, nekuda kwevagari vayo, nekuda kwechibereko chezviito zvavo.

14 Fudzai vanhu venyu netsvimbo yenyu, boka renhaka yenyu, rinogara roga musango pakati peKarimeri; ngavafure paBhashani neGiriyadhi, sepamazuva ekare.

15 Sepamazuva ekubuda kwako kubva munyika yeEgipita, ndichamuratidza zvishamiso.

16 Marudzi achazviona ndokunyara pamusoro pesimba ravo rose; achaisa ruoko pamusoro pemuromo; nzeve dzawo dzichava matsi.

17 Achananzva guruva senyoka; sezvinokambaira zvenyika achadedera munhare dzawo; achauya kuna Jehovha Mwari wedu achidedera, uye achatya nekuda kwako.

18 Ndiani ari Mwari wakafanana nemwi, anokanganwira chivi, anodarika chitadzo chevakasara venhaka yake? Haachengeti kutsamwa kwake kusvika pakusingaperi, nokuti anofarira nyasha.

19 Achatendeuka, achatinzwira tsitsi, achatsikira pasi zvitadzo zvedu; imwi muchakandira zvivi zvavo zvose munzvimbo dzakadzika dzegungwa.

20 Achapa chokwadi kuna Jakove, nyasha kuna Abhurahama, iye wakapikira madzibaba edu kubva pamazuva ekare.