ShonaTeam Micah « 6 »

Jehovha anopokana nevaIsraeri

6Inzwai henyu ichi Jehovha chaanoreva: Simuka, ugorwisana nemakomo; nezvikomo ngazvinzwe inzwi rako.

2 Inzwai, imwi makomo, kurwisa kwaJehovha, nemwi nheyo dzenyika dzinogara dziripo; nokuti Jehovha ane kurwisana nevanhu vake, uye achapikisana naIsraeri.

3 Rudzi rwangu, ndakaitei kwauri? Uye chii chandakakunetesa nacho? Pupura uchindipikisa.

4 Nokuti ndakakukwidzai kubva panyika yeEgipita, uye ndikakudzikinurai kubva paimba yeuranda, uye ndikatuma pamberi penyu Mozisi, Aroni, naMiriamu.

5 Rudzi rwangu, rangarira zvino izvo Bharaki mambo waMoabhi zvaakaronga, neizvo Bharami mwanakomana waBheori zvaakapindura kwaari, kubva paShitimi kusvika paGirigari; kuti uzive mabasa akarurama aJehovha.

6 Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndigokotama pamberi paMwari wakakwirira? Ndichauya pamberi pake nezvipo zvinopiswa, ndine mhuru dzegore rimwe?

7 Jehovha ungafadzwa here nezvuru zvemakondohwe, nezvuru gumi zvenzizi dzemafuta? Ndingapa dangwe rangu pachitadzo changu, chibereko chedumbu rangu pachivi chemweya weupenyu wangu?

8 Wakazivisa kwauri, munhu, izvo zvakanaka; zvino Jehovha anotsvakei kwauri kunze kwekuita mutongo, nekuda unyoro, nekufamba mukuzvininipisa naMwari wako?

9 Inzwi raJehovha rinodanidzira kuguta. Neuchenjeri huchaona zita renyu. Inzwai shamhu, newakaimisa.

10 Muchine fuma yakaipa muimba yewakaipa here, uye efa yakatapudzwa inonyangadza here?

11 Ndingava wakachena nezviyero zveuipi here, uye nehomwe yezviyereso zveunyengeri?

12 Nokuti vafumi varo vazere nemhirizhonga, uye vagari varo vanotaura nhema, uye rurimi rwavo rwune unyengeri mumuromo wavo.

13 Naizvozvo neni ndichakurwarisa, pakukurova, pakuita dongo nekuda kwezvivi zvako.

14 Iwe uchadya asi haungaguti, uye kupera simba kwako kuchava mukati mako. Zvino uchabvisa, asi haunganunuri; uye chauchanunura ndichapa kumunondo.

15 Iwe uchadzvara, asi haungakohwi; iwe uchasvina maorivhi, asi haungazvizodzi mafuta; newaini itsva, asi haunganwi waini.

16 Nokuti zvimiso zvaOmiri zvinochengetwa, nemabasa ose eimba yaAhabhi, uye munofamba mumazano avo; kuti ndikuitei dongo, nevagari varo vave chinhu chinoridzirwa muridzo; saizvozvo muchatakura kushoorwa kwevanhu vangu.