ShonaTeam Micah « 3 »

Vatungamiriri vakaipa vanotukwa

3Zvino ndakati: Inzwai henyu, imwi misoro yaJakove, nemwi machinda eimba yaIsraeri. Hazvisi zvenyu here kuti muzive mutongo?

2 Munovenga zvakanaka, uye munoda zvakaipa, munovhiya ganda ravo kubva pavari, nenyama yavo kubva pamapfupa avo.

3 Munodyawo nyama yevanhu vangu, nekusvuura ganda ravo kubva pavari, uye munovhuna mapfupa avo, nekuaguranya sezviri muhari, uye senyama mukati megate.

4 Ipapo vachachema kuna Jehovha, asi haangavapinduri; achavanzawo chiso chake kubva pavari panguva iyoyo, sezvavakaita zviito zvavo zvive zvakaipa.

5 Anoreva seizvi Jehovha pamusoro pevaporofita, vanotsausa vanhu vangu, vanoruma nemazino avo, uye vanodana: Rugare. Asi asingaisi chinhu mumuromo mavo, vanogadzirira hondo kumurwisa.

6 Naizvozvo huchava usiku kwamuri, pasina chiratidzo, uye richava rima kwamuri, pasina kushopera; uye zuva richavirira vaporofita, uye zuva richavasvibira.

7 Zvino vaoni vachanyara, nevashoperi vachasvoda, hongu, vose vachafukidza miromo yavo, nokuti hakungavi nemhinduro yaMwari.

8 Asi zvirokwazvo ini ndizere simba neMweya waJehovha, nemutongo, neumhare, kuzivisa kuna Jakove chitadzo chake, nekuna Israeri chivi chake.

9 Inzwai henyu ichi, imwi misoro yeimba yaJakove, nemachinda eimba yaIsraeri, munosema mutongo, nekuminamisa kururama kose.

10 Munovaka Ziyoni neropa, uye Jerusarema neuipi.

11 Misoro yaro inotongera mubairo, uye vapristi varo vanodzidzisira muripo, nevaporofita varo vanoshoperera mari; zvakadaro vanosendama pana Jehovha, vachiti: Jehovha haasi pakati pedu here? Hakuna chakaipa chingawira pamusoro pedu.

12 Naizvozvo nekuda kwenyu Ziyoni richarimwa semunda, neJerusarema richava mirwi, negomo reimba senzvimbo yakakwirira yedondo.