ShonaTeam Micah « 2 »

2Nhamo kune vanoronga zvakaipa, nevanoita zvakashata pamibhedha yavo; pachiedza chemangwanani vanozviita, nokuti zviri musimba reruoko rwavo.

2 Uye vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, ndokudzitora; saizvozvo vanomanikidza murume neimba yake, hongu, munhu nenhaka yake.

3 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha: Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungabvisi mitsipa yenyu pazviri, uye hamungafambi nekuzvikudza; nokuti inguva yakaipa.

4 Pazuva iro kuchasimudzwa mufananidzo pamusoro penyu, nekuchema mariro anosiririsa, vagoti: Taparadzwa zvachose, washandura mugove wevanhu vangu, wabvisa sei kubva kwandiri! Achidzokera shure, wakagovera minda yedu.

5 Naizvozvo haungavi neanokanda rwonzi nemujenya paungano yaJehovha.

6 Regai kuporofita, ivo vachaporofita; kana vasingaporofiti zvinhu izvi, nyadzi hadzingabvi.

7 Iwe unodaidzwa kuti imba yaJakove: Mweya waJehovha wafupiswa here? Izvi zviito zvake here? Mashoko angu haaiti zvakanaka here kune anofamba zvakarurama?

8 Asi zuro vanhu vangu vakasimuka kuva muvengi; munozumbura jazi pamberi penguvo dzevanopfuura vakachengetedzeka vakafuratira kurwa.

9 Munodzinga vakadzi vevanhu vangu, umwe neumwe kubva muimba yake yemafaro; kubva pavacheche vake munobvisa rukudzo rwangu kusvika pakusingaperi.

10 Simukai muende, nokuti iyi haisi nzvimbo yezororo, nekuda kwekuti yakasviba, inoparadza, iko kuparadza kunorwadza.

11 Kana munhu achifamba achitevera mhepo nekureva nhema achiti: Ndichakuporofita zvewaini nezvezvinwiwa zvinodhaka; iye achava muporofita wevanhu ava.

12 Zvirokwazvo ndichakuunganidza, Jakove, iwe wose; zvirokwazvo ndichabwerengedza vakasara vaIsraeri; ndichavaisa pamwe semakwai eBhozira, seboka pakati peufuro hwawo; vachaita ruzha nekuda kwevanhu.

13 Mupazi wakakwira pamberi pavo; vapaza, vapfuura pasuwo, vabuda naro. Uye mambo wavo wakapfuura pamberi pavo, uye Jehovha ari pamusoro wavo.