ShonaTeam Micah « 1 »

Mariro pamusoro peSamariya neJerusarema

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Mika muMorasheti pamazuva aJotamu, Ahazi, Hezekia, madzimambo aJudha, raakaona maererano neSamariya neJerusarema.

2 Inzwai, imwi marudzi, mose; teerera, iwe nyika, nekuzara kwayo; zvino Ishe Jehovha ngaave chapupu achipokana nemwi, Ishe ari mutembere yake tsvene.

3 Nokuti tarirai, Jehovha anobuda kubva panzvimbo yake, uye achaburuka ndokutsika-tsika pamusoro penzvimbo dzakakwirira dzepanyika.

4 Uye makomo achanyunguduka pasi pake, uye mipata ichatsemuka senamo pamberi pemoto, semvura inodururwa pamawere.

5 Zvose izvi zviripo nekuda kwechitadzo chaJakove, uye nekuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Chitadzo chaJakove chii? Harisi Samariya here? Uye nzvimbo dzakakwirira dzaJudha chii? Harisi Jerusarema here?

6 Naizvozvo ndichaita Samariya rive murwi wesango, senzvimbo dzekusimwa kwemuzambiringa; uye ndichadurura mabwe aro mumupata, uye ndichafukura nheyo dzaro.

7 Uye zvifananidzo zvaro zvose zvakavezwa zvichaputsanyiwa, nemibairo yaro yose yechifeve ichapiswa nemoto; nezvifananidzo zvaro zvose ndichazviita dongo; nokuti wakaunganidza kubva pamubairo wechifeve, uye vakadzosera pamubairo wechifeve.

8 Naizvozvo ndicharira nekuungudza; ndichafamba ndakakururwa ndakashama. Ndichaita mariro semakava, nekuchema semhou.

9 Nokuti mavanga aro haarapiki, nokuti zvasvika kuna Judha; zvasvikira pasuwo revanhu vangu, paJerusarema.

10 Musataura paGati, musarira zvekurira, muzviumburudze muguruva muimba yaAfura.

11 Zvipfuurire, iwe mugarikadzi weShafira, wakashama uchinyara; mugarikadzi weZaanani haana kubuda; kurira kweBheti-Ezeri kuchatora kumira kwake kwamuri.

12 Nokuti mugarikadzi weMaroti anomirira muzvakanaka; nokuti chakaipa chaburuka kubva kuna Jehovha kusvika pasuwo reJerusarema.

13 Iwe mugarikadzi weRakishi, sungira ngoro pamabhiza anomhanyisa, iro kutanga kwechivi kumukunda weZiyoni, nokuti mauri makawanikwa zvitadzo zvaIsraeri.

14 Naizvozvo uchapa zvipo zvekuoneka kuna Moresheti-Gati; dzimba dzeAkizibhi dzichava unyengeri kumadzimambo aIsraeri.

15 Ndichaunzazve mudyi wenhaka kwauri, iwe mugarikadzi weMaresha; achauya paAdhuramu, rukudzo rwaIsraeri.

16 Zviitire baravara, uye uvevure, nekuda kwevana verudo rwako; kurisa baravara rako segondo, nokuti vakaenda kuutapwa kubva kwauri.