ShonaTeam Jonah « 4

Kugunun'una kwaJona uye nyasha dzaMwari

4Asi zvakarwadza Jona, marwadzo makuru, iye ndokutsamwa.

2 Zvino wakanyengetera kuna Jehovha ndokuti: Haiwa, Jehovha, raiva risiri iro shoko rangu here pandaiva ndiri munyika yekwangu? Naizvozvo ndakakurumidza kutiza kuenda kuTashishi; nokuti ndaiziva kuti muri Mwari ane nyasha, uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa, uye weunyoro ukuru, uye munozvidemba pamusoro pezvakaipa.

3 Naizvozvo ikozvino Jehovha, torai henyu upenyu hwangu kubva kwandiri, nokuti rufu rwangu rwuri nani pane upenyu hwangu.

4 Zvino Jehovha wakati: Waita zvakanaka kutsamwa here?

5 Zvino Jona wakabuda muguta, ndokunogara kurutivi rwemabvazuva rweguta, ndokuzviitira dumba ipapo, ndokugara pasi paro mumumvuri, kusvika aona zvichaitika kuguta.

6 Jehovha Mwari ndokugadzirira muti, ndokuumeresa kuva pamusoro paJona, kuti uve mumvuri pamusoro pemusoro wake, kumununura pamarwadzo ake. Naizvozvo Jona wakafara nemufaro mukuru nekuda kwemuti.

7 Asi Mwari wakagadzirira gonye pakasimuka mangwanani zuva raitevera; iro ndokurova muti zvekuti wakasvava.

8 Zvino zvakaitika zuva parakabuda, kuti Mwari wakagadzirira mhepo inopisa yekumabvazuva; zuva ndokurova pamusoro pemusoro waJona, zvekuti wakaziya ndokushumba kuti mweya wake ufe, ndokuti: Rufu rwangu rwuri nani pane upenyu hwangu.

9 Zvino Mwari wakati kuna Jona: Waita zvakanaka here kutsamwira muti? Iye ndokuti: Ndaita zvakanaka kuti nditsamwe kusvika parufu.

10 Jehovha ndokuti: Iwe wakava netsitsi nemuti, wausina kutamburira, wausina kumeresa, uyo wakavapo neusiku humwe, ndokuparara neusiku humwe.

11 Zvino ini handingavi netsitsi neNinivhe here, guta guru, mune vanhu vanopfuura zvuru zana nemakumi maviri, vasingazivi kusiyanisa ruoko rwavo rwerudyi neruoko rwavo rweruboshwe, uye zvipfuwo zvizhinji?