ShonaTeam Jonah « 3 » |
Kutendeuka kwevanhu veNinivhe
3Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona richiti:
2 Simuka, enda kuNinivhe, guta guru, zvino uparidze kwariri mharidzo yandinokuudza.
3 Zvino Jona wakasimuka ndokuenda kuNinivhe, zvichienderana neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwemazuva matatu.
4 Zvino Jona wakatanga kupinda muguta, rwendo rwezuva rimwe. Zvino wakadanidzira ndokuti: Kuchine makore makumi mana, uye Ninivhe richaparadzwa.
5 Zvino vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, ndokudanidzira mutsanyo, ndokufuka masaga, kubva kumukurusa wavo kusvika kumudikisa wavo.
6 Nokuti shoko rakasvika kuna mambo weNinivhe; iye ndokusimuka kubva pachigaro chake cheushe, ndokubvisa nguvo yake yerukudzo paari, ndokupfeka saga, ndokugara mumadota.
7 Zvino wakadanidzira ndokuti muNinivhe nechirevo chamambo nevakuru vake, achiti: Kurege kuva nemunhu, kana mhuka, mombe, kana gwai, zvicharavira chipi nechipi; ngazvirege kudya uye zvisanwa mvura.
8 Asi munhu nemhuka ngazvifukidzwe masaga, uye ngavadanidzire zvine simba kuna Mwari; hongu ngavatendeuke umwe neumwe panzira yake yakaipa, nepakumanikidza kuri pamaoko avo.
9 Ndiani anoziva, zvimwe Mwari angadzoka akazvidemba, ndokuzvidzora kubva pakutsamwa kwake kunotyisa, kuti tirege kuparara.
10 Zvino Mwari wakaona mabasa avo, kuti vakatendeuka kubva panzira yavo yakaipa; Mwari ndokuzvidemba pazvakaipa zvaaiva ataura kuti achazviita kwavari, zvino akasazviita.