ShonaTeam Jonah « 2 » |
Munyengetero waJona
2Zvino Jona wakanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
2 Ndokuti: Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; zvino wakandipindura; ndiri mudumbu resheori ndakachema; makanzwa inzwi rangu.
3 Nokuti makandikanda muudziku, mumoyo wemakungwa; uye mafashame akandikomberedza; mafungu enyu ose nemaboporodzi enyu zvakapfuura nepamusoro pangu.
4 Zvino ini ndakati: Ndadzingwa kubva pamberi pemeso enyu; zvakadaro ndichatarisazve kutembere yenyu tsvene.
5 Mvura zhinji yakandikomberedza kusvika pamweya weupenyu; udziku hwakandikomba; makaraugwe akamonera musoro wangu.
6 Ndakaburukira kunheyo dzemakomo; nyika nezvipfigiso zvayo zvakandikomba nekusingaperi; zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, Jehovha Mwari wangu.
7 Mweya weupenyu wangu pawakaziya mukati mangu, ndakarangarira Jehovha; munyengetero wangu ndokupinda kwamuri, mutembere yenyu tsvene.
8 Avo vanochengetedza zvenhema zvisina maturo vanosiya nyasha dzavo.
9 Asi ini neinzwi rekuvonga ndichabaira kwamuri; ndicharipira zvandakapikira; ruponeso nderwaJehovha.
10 Zvino Jehovha wakataura kuhove; iyo ndokurutsira Jona pavhu rakaoma.