ShonaTeam Jonah « 1 »

Jona anotizira kuTashishi

1 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai richiti:

2 Simuka uende kuNinivhe, guta guru, unoparidza uchipokana naro, nokuti uipi hwavo hwakwira pamberi pangu.

3 Asi Jona wakasimuka kutizira kuTashishi kubva pachiso chaJehovha; ndokuburukira kuJopa. Zvino wakawana chikepe chichienda kuTashishi, wakapa mari yacho ndokuburukira machiri kuenda navo kuTashishi kubva pachiso chaJehovha.

4 Asi Jehovha wakakanda mhepo huru pagungwa, dutu remhepo guru ndokuva pagungwa, uye chikepe chikashumba kuputsika.

5 Zvino vafambisi vechikepe vakatya ndokudanidzira umwe neumwe kuna mwari wake, ndokukandira mugungwa nhumbi dzaiva muchikepe, kuti chireruke pazviri. Asi Jona waiva aburukira kumacheto echikepe ndokurara, ndokurara hope kwazvo.

6 Naizvozvo tenzi wechikepe wakaswedera kwaari, ndokuti kwaari: Unei, murari mukuru? Simuka, dana kuna Mwari wako; zvimwe Mwari uyu angatirangarira, kuti tisaparara.

7 Zvino vakati umwe neumwe kune wekwake: Uyai, zvino ngatikande mijenya, kuti tizive kuti chakaipa ichi chiri pamusoro pedu nechikonzero chaani. Naizvozvo vakakanda mijenya; mujenya ndokuwira pamusoro paJona.

8 Zvino vakati kwaari: Tiudze hako. Chakaipa ichi chiri pamusoro pedu nechikonzero chaani? Basa rako nderei? Uye unobvepi? Nyika yako ndeipi? Uye uri werudzi rwupi?

9 Iye ndokuti kwavari: Ndiri muHebheru, uye ndinotya Jehovha, Mwari wematenga, iye wakaita gungwa nepakaoma.

10 Ipapo varume vakatya nekutya kukuru, ndokuti kwaari: Chii ichi chawaita? Nokuti varume vakaziva kuti anotiza pachiso chaJehovha; nokuti waiva avaudza.

11 Zvino vakati kwaari: Tichaitei kwauri, kuti gungwa ritinyararire? Nokuti gungwa rakaramba richiva dutu guru remhepo.

12 Iye ndokuti kwavari: Ndisimudzei, mugondikandira mugungwa, naizvozvo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu remhepo guru iri riri pamusoro penyu nekuda kwangu.

13 Zvakadaro varume vakakwasva kudzosera chikepe kunyika yakaoma; asi vakakonewa, nokuti gungwa rakaramba richiva dutu guru remhepo richivapikisa.

14 Naizvozvo vakachema kuna Jehovha, ndokuti: Tinokunyengeterai, Jehovha, tinokunyengeterai, ngatirege kuparara nekuda kweupenyu hwemunhu uyu, uye musauisa pamusoro pedu ropa risina mhosva; nokuti imwi Jehovha maita sezvinokufadzai.

15 Zvino vakasimudza Jona ndokumukandira mugungwa; gungwa ndokumira pakupenga kwaro.

16 Zvino varume vakatya Jehovha nekutya kukuru, ndokubaira chibairo kuna Jehovha, nekupika mhiko zhinji.

17 Zvino Jehovha waiva agadzirira hove huru kuti imedze Jona. Jona ndokuva mudumbu rehove mazuva matatu neusiku utatu.