ShonaTeam Obadiah « 1

Kurangwa kweEdhomu

1 Chiratidzwa chaObhadhiya. Anoreva seizvi Ishe Jehovha maererano neEdhomu: Takanzwa shoko kubva kuna Jehovha, uye kwakatumwa nhume pakati pevechirudzi: Simukai, zvino ngatimumukirei muhondo.

2 Tarirai, ndakakuita mudiki pakati pevechirudzi; wakazvidzwa kwazvo.

3 Kuzvikudza kwemoyo wako kwakakunyengera; iwe anogara mumikaha yemabwe, ugaro hwake hwakakwirira, anoti mumoyo make: Ndiani ungatiwisira pavhu?

4 Kunyange ukakwirira segondo, uye kunyange ukamisa dendere rako pakati penyeredzi, kubva ipapo ndichakuderedza, anoreva Jehovha.

5 Kana mbavha dzichisvika kwauri, kana makororo usiku (wakagurwa sei), havangabi kusvika vava nezvakakwana here? Kana vaunganidzi vemazambiringa vakauya kwauri, havangasii zvekufuhurura here?

6ZvaEsau zvakanzverwa sei, fuma yake yakavanda yakatsvakurudzwa!

7 Varume vose vesungano yako vanokutumira kumuganhu; varume vaiva parugare newe vakakunyengera, vakakukunda; vanodya chingwa chako vakaisa musungo pasi pako; hamuna njere maari.

8 Hazvingadaro here pazuva iro, anoreva Jehovha, kuti ndichaparadza vakachenjera kubva paEdhomu, nenjere kubva pagomo raEsau?

9 Zvino mhare dzako, iwe Temani, dzichavhunduka, kuti umwe neumwe agurwe pagomo raEsau nekuurawa.

10 Nekuda kwemhirizhonga kurwisa munin'ina wako Jakobho, nyadzi dzichakufukidza, uye uchagurwa nekusingaperi.

11 Pazuva rauchamira parutivi, pazuva vatorwa ravachatapa naro hondo yake, nevechirudzi vachipinda pamasuwo ake, nekukanda mijenya pamusoro peJerusarema, newe waiva wakaita seumwe wavo.

12 Asi waiva usingafaniri kutarisa pazuva remunin'ina wako pazuva raakava mutorwa, uye waiva usingafaniri kupembera pamusoro pevana vaJudha pazuva rekuparara kwavo, uye waiva usingafaniri kutaura nekuzvikudza pazuva rekumanikidzwa.

13 Dai usina kupinda pasuwo revanhu vangu pazuva renhamo yavo; dai iwewo usina kutarisa dambudziko ravo pazuva renhamo yavo, uye usina kuisa ruoko pafuma yavo pazuva renhamo yavo.

14 Uye dai usina kumira pamharadzano dzenzira kugura vakapukunyuka vake, uye dai usina kupa vakasara vake kuvavengi pazuva rekumanikidzwa.

15 Nokuti zuva raJehovha raswedera kumarudzi ose. Sezvawakaita, zvichaitwa kwauri; mubairo wako uchadzokera pamusoro wako.

16 Nokuti sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvo marudzi ose achagara achingonwa, hongu, vachanwa, uye vachamedza, zvino zvichava sezvisina kumbovapo.

17 Asi pagomo reZiyoni pachava nekupukunyuka; uye pachava neutsvene; uye veimba yaJakove vachagara nhaka yenhaka yavo.

18 Zvino imba yaJakove ichava moto, neimba yaJosefa murazvo, uye imba yaEsau mashanga; uye vachazvipisa, nekuzvipedza; uye hakungavi neanosara weimba yaEsau; nokuti Jehovha wakataura.

19 Zvino vekuchamhembe vachagara nhaka yegomo raEsau, nevemapani vaFirisitia; uye vachagara nhaka yemunda waEfuremu nemunda weSamariya; naBhenjamini yeGiriyadhi.

20 Zvino vakatapwa vehondo iyi yevana vaIsraeri vachagara nhaka yezvaiva zvevaKenani kusvika kuZarefati; nevatapwa veJerusarema vari paSefaradhi vachagara nhaka yemaguta ekuchamhembe.

21 Zvino vaponesi vachakwira pagomo reZiyoni kutonga gomo raEsau. Uye ushe huchava hwaJehovha.