ShonaTeam Amos « 9

Kutonga kwaJehovha

9Ndakaona Ishe amire pamusoro pearitari; iye ndokuti: Rova chivivo chemukova kuti magwatidziro azungunuke, uzvigure pamusoro wezvose; uye ndichauraya vekupedzisira vavo nemunondo; hakungatizi anotiza wavo, uye hakungapukunyuki anopukunyuka wavo.

2 Kunyange vakachera kuSheori, ruoko rwangu ruchanovatorapo; uye kunyange vakakwira kudenga, ndichavaburusapo.

3 Kunyange vakanovandawo panhongonya yeKarimeri, ndichatsvaka ndivatorepo; uye kunyange vakavanda vachibva pamberi pemeso angu pasi pegungwa, ndicharaira nyoka kubvapo, ichavaruma.

4 Kunyange vachiendawo muutapwa pamberi pevavengi vavo, ndicharaira munondo kubva ipapo kuti uvauraye; uye ndichamisa ziso rangu pamusoro pavo kuita zvakaipa, kwete kuita zvakanaka.

5 Zvino ndiIshe Jehovha wehondo anobata nyika, kuti inyauke, uye vose vageremo vacharira; uye ichakukumara yose serwizi, uye ichanyura serwizi rweEgipita.

6 Iye anovaka nhurikwa dzake kumatenga, uye wakateya hondo yake yakarongwa panyika; anodana mvura zhinji yegungwa, nekuidiridza pachiso chenyika; Jehovha ndiro zita rake.

7 Hamuna kuita kwandiri sevana vevaItiyopiya here, imwi vana vaIsraeri? anoreva Jehovha. Handina kukwidza Israeri here kubva panyika yeEgipita, nevaFirisitia paKafitori, nevaSiriya paKiri?

8 Tarirai, meso aIshe Jehovha ari pamusoro peushe hunotadza, uye ndichahuparadza hubve pachiso chenyika; zvakadaro handingaparadzi zvachose imba yaJakove, anoreva Jehovha.

9 Nokuti tarirai, ndicharaira, uye ndichapepeta imba yaIsraeri pakati pemarudzi ose, sezvinopepetwa nemusero; zvakadaro hapana tsanga dikisa ichawira pavhu.

10 Vatadzi vose vevanhu vangu vachafa nemunondo, vanoti: Zvakaipa hazvingasenereri kana kusangana nesu.

11 Nezuva iro ndichamutsa dumba raDhavhidhi rakawa, nekudzivira maburi aro, nekumutsa matongo aro, nekurivaka sepamazuva ekare;

12 kuti vagare nhaka yezvakasara zveEdhomu, nemarudzi ose akadanwa nezita rangu, anoreva Jehovha anoita izvi.

13 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Jehovha, anorima paachaswedera kune anokohwa, neanotsika zvibereko zvemizambiringa kune anodzvara mbeu; uye makomo achadonha waini inotapira, uye zvikomo zvose zvichanyauka.

14 Zvino ndichashandura utapwa hwevanhu vangu Israeri; uye vachavaka maguta akaparara ndokugara, uye vachadzvara mizambiringa ndokunwa waini yayo, nekuita mabindu ndokudya zvibereko zvawo.

15 Zvino ndichavadzvara panyika yavo, kuti vasachidzurwazve kubva panyika yandakavapa, anoreva Jehovha Mwari wako.