ShonaTeam Amos « 8 »

Amosi anoratidzwa tswanda ine zvibereko

8Ishe Jehovha wakandiratidza seizvi; zvino tarirai, tswanda yechibereko chezhizha.

2 Zvino akati: Amosi, unoonei? Ini ndokuti: Tswanda yechibereko chezhizha. Zvino Jehovha wakati kwandiri: Kuguma kwasvika pamusoro pevanhu vangu Israeri; handichatongovapfuurizve.

3 Asi nziyo dzetembere dzichava kuungudza pazuva iro, anoreva Ishe Jehovha; kuchava nezvitunha zvizhinji; panzvimbo imwe neimwe vachazvikandira kunze chinyararire.

4 Inzwai izvi, imwi munomedza vanoshaiwa, nekuparadza varombo venyika;

5 muchiti: Kugara kwemwedzi kuchapfuura rinhi kuti titengese zviyo? Uye sabata kuti tizarure gorosi? Tichaita efa rive diki, neshekeri rive guru, nekuita nhema pazviyero nekunyengera.

6 Kuti titenge varombo nesirivha, neanoshaiwa nemanyatera maviri, nekutengesa makoto ezviyo.

7 Jehovha wakapika neukuru hwaJakove achiti: Zvirokwazvo handingakanganwi mabasa avo ose rinhi narinhi.

8 Nyika haingadederi nekuda kweizvi here, neumwe neumwe anogaramo akachema? Zvino ichakwira yose serwizi, uye icharasirwa kunze ndokunyudzwa, serwizi rweEgipita.

9 Zvino zvichaitika pazuva iro, anoreva Ishe Jehovha, kuti ndichadokesa zuva pamasikati makuru, uye ndichasvibisa nyika pamasikati machena.

10 Zvino ndichashandura mabiko enyu kuva kurira, nenziyo dzenyu dzose kuva mariro; uye ndichaunza saga pazviuno zvose, neubaravara pamusoro umwe neumwe; uye ndichazviita sekuchemwa kwemwanakomana umwe oga, nemugumo wazvo sezuva rinovava.

11 Tarirai, mazuva anouya, anoreva Ishe Jehovha, andichatuma nzara panyika, isiri nzara yezvekudya, uye isiri nyota yemvura, asi yekunzwa mashoko aJehovha.

12 Zvino vachadzungaira kubva kugungwa kusvika kugungwa, uye kubva kumaodzanyemba kuenda kumabvazuva; vachamhanya uko neuko kutsvaka shoko raJehovha, asi havangawani.

13 Nezuva iro mhandara dzakanaka nemajaya vachaziya nenyota.

14 Vanopika nechivi cheSamariya, uye vanoti: Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye: Nenzira yeBheeri-Shebha imhenyu. Ivo vachawa, uye havazomukizve.